Accessibility links

Breaking News

Britain Inotemera Zvirango VaKudakwashe Tagwirei neMakambani Avo


VaDominic Raab
VaDominic Raab

Hurumende yeBritain yatemera zvirango pamuridzi wekambani yeSakunda, VaKudakwashe Tagwirei, vanove chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nezuro gurukota reBritain rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaDominic Raab, vakazivisa kuti hurumende yavo yatemera zvirango VaTagwirei, izvo zvichavatadzisa kushanda nemabhizimisi emunyika iyi uye nekuvatadzisa kutora hupfumi hwavo huri muUnited Kingdom, pamwechete nekuvarambidza kupinda munyika iyi.

VaRaab vanoti VaTagwirei vatemerwa zvirango izvi nemhaka yehuori, vachiti VaTagwirei ndivo vakakonzera kuti mari yeZimbabwe irasikirwe nehuremu, izvo zvakazokonzera kukwidzwa kwemitengo yezvinhu, zvakaita sezvekudya, izvo zvirikuomesera vanhu muZimbabwe.

VaRaab vanoti danho ravatora iri rakanangana nevanhu vakaisa muhomwe dzavo mari yaifanirwa kuenda kuvanhu, vachiti United Kingdom yakazvipira kurwisana nehuori uye kusungisa vanoita izvi.

Vanoti huori hunokanganisa hupfumi hwenyika dzichiri kubudirira, izvo vanoti zvinokanganisawo nyaya yehutongo hwejekerere, sezvo vanhu vanenge vombunyikidzwa.

Tatadza kubata mutauriri waVaTagwirei nemutauriri webato reZanu-PF kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dze zvehupfumi, Amai Chenai Mutambasere, vanoti zvichitevera kubudiswa pachena, nesangano reSentry, kwehupfumi hwaVaTagwirei nenzira dzavanoshandisa kuviga mari, hazvichagoni kuti nyika zhinji dzitarise rutivi sezvo nyaya dzehuori dzavari kupomerwa dzayanikwa pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG