Accessibility links

Breaking News

Twitter Inoti Haichatambira Kushambadza Zvematongerwo Enyika


VaJack Dorsey
VaJack Dorsey

Makambani epa dandemutande, kana kuti ‘social media’, eTwitter, Facebook, Instagram, WhattsAp nemamwe, arikupomerwa mhosva yekuti anobudisa nhau dzisiri dzechokwadi uye kuti haasarudzi zvinoiswa pamadandemutande awo.

Masvondo maviri apfuura, VaJoe Biden, avo vari kukwikwidza kuti vawane mukana wekuzokwikwidzana naVaDonald Trump kuve mutungamiriri wenyika gore rinouya, vakaudza muridzi weFacebook, VaMark Zuckerberg, kuti vabvise zvakange zvaiswa paFacebook nerimwe sangano rinotsigira VaDonald Trump, vachiti ndezve manyepo. VaZuckerberg vakaramba kuita izvi vachiti kambani yavo inoremekedza kodzero dzevanhu naizvozvo vanhu vanogona kutaura zvavanoda pasina anopindira.

Nyaya yenhau dzisiri dzechokwadi ichirikunetsa munyika muno, vamwe vachiti madiro arikuitwa nemakambani aya ndiwo akakonzera kuti Russia ikwanise kupindira musarudzo dzemutungamiriri wenyika dzemuna 2016.

Nhasi, mukuru weTwitter, VaJack Dorsey, vazivisa kuti kubva musi wa 22 Mbudzi gore rino, kambani yavo haichabvumidzi kana kutambira zvinyorwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

VaDorsey vati mumasvondo maviri ari kutevera, vachazivisa mirairo yese ichatevedzwa nekambani yavo maererano nenyaya iyi.

Vanodzidzisa kutapa nhau paUniversity of Indiana, mudunhu rePennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaDorsey zvakanaka chose sezvo vanhu vazhinji vari kushandisa ‘social media’ nenzira dzisina kunaka, zvikuru sei pakureva manyepo pamusoro pevanhu nezvirikuitika.

Vanoti hazvisi nyore kudzosa makambani aya kana achiita zvisakafanira asi kana makambani aya akabvuma kuzvidzosa pachawo zvingabatsira zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG