Accessibility links

Breaking News

Nyaya Ina Nunurai Jena


please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe iri kupemberera nemusi weMuvhuro kusvitsa kwayo makore makumi mana nemaviri yawana kuzvitonga, vanhu vakawanda vachichema nerekuti vatungamiri venyika varasa gwara rehondo yakaitwa mukusunungura Zimbabwe kubva kuhutongi hwehudzvanyiriri.

Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti kunyange hazvo nyika yakasunungurwa kubva kuhudzvinyiriri hwevarungu muna 1980, havasi kurarama sezvavaitarisira muna 1980.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti zuva reIndependence rakakosha chose, asi vanhu havana kusunguka kuti vararame sezvavanoda.

Vanoti zuva iri rakakosha chose kumunhu wese munyika asi vachitiwo izuva rinoita kuti vanhu vafungisise nezvamararamiro avari kuita.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJohson Chirwa, vanoti vachapembera neMuvhuro asi havasi kufara kuti nyika inenge yadzokera kumashure pane zvayange iri apo yakasunungurwa muna 1980.

Vakafanobata chigaro chemutauriri bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Advocate Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti vanoremekedza zvakanyanya vakarwa hondo yerusununguko uye vaitairisira kuti vanhu vachadya vachiguta vachienda kuzvikoro, kuve nezvipatatara pamwe nekurama zvakanaka.

Asi vati makore makumi mana apfuura aburitsa pachema kuti vari kutumgamira nyika varasa gwara rehondo yerusununguko.

Vaenderera mberi vachiti pave kuda rusununguko rwechipiri ndosaka zvakakosha kuti vanhu vanyorese kuvhota kuti muna 2023 vazvisungure zvizere.

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiriri webato reDemocratica Party, VaWurayayi Zembe, avo vati hapana chekupemberera sezvo vazhinji vari kudya nhoko dzezvironda.

Mumwe wevakarwa hondo resunguko, VaEthan Matibela, vaudza Studio 7 kuti zvave kuitika handzivo zvavakaendera kuhondo.

VaMathibela vati vanoshushikana zvikuru kuti zvinhu hazvisi kufamba sezvavaitarisira vari kuhondo.

Vaenderera mberi vachiti zvinosuwisa kuti makore makumi mana nemaviri nyika yawana rusununguko, vazhinji vakaenda kuhondo vari kuyaura nenhamo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna sachigaro vevaimbove varwiri vehondo yerusununguko uye vari mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, sezvo vanga vasingabatike panharembozha yavo.

Asi imwe nhengo iri muchikamu chevechidiki mubato reZanu PF, VaPeter Matange, vaudza Studio 7 kuti Independence Day izuva rakakosha iro vanotenda basa guru rakaitwa nevarwiri vehondo resununguko.

Vatiwo dingindira regore rino, rekuti hapana anofarirwa kusara rinoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mangangwa inokoshesa vanhu vese munyika.

Asi kunyange hazvo pane vamwe vasiri kufara, hurumende inoti iri kusimudzira hupenyu hweveruzhinji nekuvaka madhamu , zvipatara, zvikoro pamwe nekugadzira migwagwa nezvimwe.

Gore rino mhemberero dzekuzvitonga dzichaitirwa kuBulawayo sezvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichiti matunhu ese munyika anofanira kuita mhemberero idzi. Mhemberero idzi dfzaifanirwa kunge dzakaitwa muBulawayo muna 2020, asi dzakamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19

Kubva muna1980 mhemberero idzi dzaitirwa muHarare, mumabiko ayo anopindwa nemutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG