Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Mubugu Votaura Pamusoro peZvidzidzo zveBhaibheri Zvavaiita naVaTsvangirai


Mufundisi wekereke yeWisdom Church International, VaMazvarirashe Mabugu, vanoti vakawana mukana wokutendeutsa mutungamiri weMDC, VaMorgan Richard Tsvangirai, vasati vaenda kuSouth Africa kunorapwa chirwere chegomarara icho chakatora hupenyu hwavo.

VaMabugu vanoti vakafonerwa naVaTsvangirai kuti vazoita navo zvidzidzo zveshoko raMwari kumba kwavo kuHighlands muHarare, vasati vaenda kuSouth Africa.

VaMabugu vanoti VaTsvangirai vaiva nemoyo wakazaruka kushoko raMwari uye munhu akange akazvininipisa kuvanhu vose, uye kuti vanhu vabatane munyika.

Mufundisi Mabugu vanoti VaTsvangirai munhu aida kuti munhu wese muZimbabwe ave nerusununguko.

Mufundisi Mabugu vanoti VaTsvangirai vaiva munhu akashinga zvokuti pavakaenda kuSouth Africa kunorapwa, vaive nechokwadi chekuti vaizokwikwidza musarudzo uye vachikunda.

Mutumbi waVaTsvangirai unonzi ucharadzikwa kumusha kwavo kuBuhera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG