Accessibility links

VaMphoko Voyambirwa Kuti Vakumbire VaTsvangirai Ruregerero


VaPhelekezela-Mphoko

Magweta emutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, ayambira kuti pakava nekusakumbira ruregerero, anogona kuendesa mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Phelekezela Mphoko, kumatare vachiti vakasvibisa zita raVa Tsvangirai apo vakataura panhepfenyuro yeZBC muna Kukadzi vachiti VaTsvangirai vainge vaine chokuita nehurongwa hwekuda kuuraya vaive mutungamiri weZAPU, mushakabvu Joshua Nkomo.

Magweta aya atiwo haasi kufara nemashoko aVaMphoko ekuti VaTsvangirai vane chokuita nekupondwa kwevanhu munguva yeGukurahundi yakaitika mumakore ekuma 1980s.

Magweta aya ari kuda kuti VaMphoko vadzose mashoko avo uye vokumbira rurengerero panhepfenyuro yavakashandisa kusvibisa zita raVaTsvangirai.

Mumwe wemagweta aVaTsvangirai, VaChris Mhike, vati VaMphoko vapiwa magwaro aya neChipiri.

“Nyaya iripo ndeyekuti isu semagweta aVaTsvangirai, tatumwa kuti tigadzirise nyaya yekunenedzerwa kwavakaitwa naVaMphoko zvichinzi izvo VaTsvangirai vainge vane chokuita nemhosva dzakaitwa panguva yeGukurahundi," vadaro VaMhike.

VaMhike vati vakamirira mhinduro inobva kuna VaMphoko avo vavakapa mazuva mashoma shoma ekuti vapindure.

Kana VaMphoko vakasapindura kana kuti vasakapindura zvisingagutsi VaTsvangirai, VaMhike vanoti ndipo pavanozoenda mberi kumatare edzimhosva.

VaMhizha pamidzira vachiti kukumbira ruregerero ndiko kwakanaka kuti vanhu vaenderere mberi nemabasa avo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG