Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vapeta misangano yavo munyika mudunhu reMashonaland West paine mibvunzo yekuti vangapinde here musarudzo dzegore rinouya pasina kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo.
Kunyange hazvo vanhu vakawanda vasina dambudziko nekuita mubatira pamwe chuma chemuzukuru pasarudzo dzegore rinouya, vakawanda mubato iri vanoti VaTsvangirai ndivo vanofanirwa kutungamira mubatanidzwa uyu nemamwe mapato.
Asi nyaya yatsviriridza ndeyekuti zvine hungwaru here kupinda musarudzo dzinobirwa pasina hurongwa hwekuchengetedza mavhoti evanhu sezvakamboitika musarudzo dzemuna 2008.
VaTakesure Musiiwa vanoti danho rakatorwa naVaTsvangirai rekufamba nyika yose vachinzwa mafungiro akawanda, rakanaka asi vanoti zviri kubuda zvinhu zvimwe chete sezvo vanhu vari kuunganidzwa nenhengo dzavo.
VaMusiiwa, avo vakapinda musangano wana chipangamazano wemuChinhoyi neSvondo, vanoti nyaya yekuti bato reMDC-T riri kuramba kupinda musarudzo dze By-Elections, sei rave kuona kupinda musarudzo dzegore rinouya sedanho rine hungwaru.
VaMusiiwa vanoti hapana chashanduka uye chinoshanduka panyaya dzesarudzo muZimbabwe.
VaTsvangirai varamba kutaura nevatori venhau vachiti vanofanirwa kutanga vatura zvavakawana kubva kuvanhu kumakurukota avo pamwe neNational Council.
Asi mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tambarinyoka, vanoti vachaita hondo chaiyo neZanu PF kuti ivandudze mitemo yesarudzo.
VaTamborinyoka vanoti hondo yavo iri kutanga musiwa 22 Kurume apo vacharatidzira pamusoro pekuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.
VaTamborinyoka vati manyepo ekuti vanhu vaipinda misangano yaVaTsvangirai vaikokerwa nenhengo dzavo asi vati waikokerwa nebazi ravo rinoona nezveruzhinji (Public Relations).
VaTamborinyoka vati VaTsvangirai vachatura zvakabva muvanhu kuhutungamiri hwebato kuitira kuti vabude negwara.
Facebook Forum