Accessibility links

Vakashaya Mutsaona kuTsholotsho Vorangarirwa paMpilo Hospital muBulawayo

  • Taurai Shava

Mpilo Central Hospital

Hama, shamwari pamwe nevashandi vebazi rezvehutano nemamwe mapazi ehurumende vaungana pachipatara cheMpilo muBulawayo neChipiri mangwanani vachirangarira vanhu makumi maviri nevaviri vakashaya mutsaona yemumugwagwa kuTsholotsho nemusi weMugovera.

Mumashoko avo enyaradzo kuvanhu vange varipo pachiitiko ichi, mukuru wezvehutano mudunhu reMatabeleland North, Dr Nyasha Masuka, vati vane hurombo zvikuru nekushaya kwakaita vanhu makumi maviri nemumwe ava vari munzira yekuenda kubasa.

Vati hama neshamwari dzevafi dzinofanirwa kuwana nyaradzo kubva pakuti vanhu ava vakashaya ndevamwe vevanhu vari kuita basa rakakosha chaizvo mukurwisa chirwere che malaria nekupfapfaidza mishonga munzvimbo dzinenge dzine humhutu.

Muzvare Latiso Dlamini vanove mukuru weCivil Protection Unit mudunhu reMatabeleland vapawo mashoko enyaradzo vachizivisa kuti hurumende ichishanda pamwe ne Insurance Council of Zimbabwe pamwe nairo boka ravo reCivil Protection Unit, iri kupa chiuru chemadhora pamhuri yega yega yevanhu vakashaya.

Munyori webazi rezvehutano, Dr Gerald Gwinji, vati rubatsiro urwu harungakwanise kudzora vafi asi vati vanokumbira kuti hama dzevafi dzitambire rubatsiro urwu senzira yehurumende yekuvanyaradza.

Munyori wesangano reZimbabwe Passengers Association, VaPaul Makiwa, vaudza Studio7 kuti tsaona yakaita seiyi inofanirwa kuyeuchidza hurumende kukosha kwekuve nehomwe inobatsira vanhu vanenge vawirwa netsaona.

Vanhu vakashaya nemusi weMugovera ava vaive vashandi pasi pechirongwa chekudzivirira chirwere chemalaria uye vaive munzira yekuenda kunofirita mushonga wekuuraya humhutu munzvimbo yeTsholotsho.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati tsaona iyi yaibata nyika yose, kana kuti national disaster, izvo zvazopa kuti hurumende ibatsire mhuri dzevafi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG