Accessibility links

Breaking News

VaDonald Trump Vanoti Vanogona Kuvharisa Kambani yeTwitter


Trump Twitter

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vaudza kambani yeTwitter kuti vanogona kuivhara, pamwe chete nemamwe makambani e’social media’.

Izvi zvinotevera mushure mekunge vanhu vazhinji vaudza Twitter kuti ibvise zvakange zvaiswa paTwitter naVaTrump vachiti ndezvemanyepo.

VaTrump vanogara vachinyora zvinhu zvakawanda paTwitter pavo.

Nyaya yakashatirisa vanhu ndeyezvavakanyora pamusoro pesarudzo dzemutungamiri wenyika, vachiti kunoitwa kubira kukuru pasarudzo kana vanhu vakabvumidzwa kuita zvekuvhota vachiita zvekuposita mavhoti avo.

Vanhu vazhinji vakakurudzira Twitter kuti ibvise mashoko aya asi Twitter yakaramba.

Twitter yakangoisa chiziviso pazasi pezvakange zvanyorwa naVaTrump ichiudza vanhu pekutarisa kana vachida chokwadi pamusoro pezvakange zvanyorwa naVaTrump. Izvi hazvina kufadza VaTrump avo vati vanogona kuvhara kambani yeTwitter, vachiipomera mhosva yekuita rusarura pavatsigiri vavo.

Vanodzidzisa zve kutapanhau paIndiana University, mudunhu rePennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vaudza Studio 7 kuti hakasi kekutanga VaTrump vachitaura mashoko ekuvhara makambani avasingawirirani nawo, vachiti VaTrump havana simba rekuvhara makambani ezvenhau nekuti vatori venhau nemakambani avanoshandira vakachengetedzwa zvakasimba nemutemo weFirst Amendment.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG