Accessibility links

Breaking News

America Inombomisa Vanhu Kupinda Munyika kweMazuva Makumi Matanhatu


VaDonald Trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vasaina gwaro rinombomisa vanhu vekune dzimwe nyika kupinda muAmerica kwemazuva makumi matanhatu.

Gwaro iri haribati avo vanemapepa ekugara munyika zviri pamutemo asi richarambidza avo vasati vave nemavhiza pari zvino kuti vapinde mu America.

Vachinyora paTwitter pavo, VaTrump vati mutemo uyu wakaunzwa nechido chavo chekurwisana nemuvengi asingaonekwi, kureva Coronavirus, uye nechido chavo chekuchengetedza mabasa ezvizvarwa zveAmerica.

Mutemo uyu haubati vanoshanda mune zvehutano kana vabereki vezvizvarwazveAmerica.

Hazvisati zvave pachena kuti mutemo uyu uchabatsira papi uye kuti waitirwei sezvo vanhu varikuuya mu America vave vashoma pamusoro pechirwere cheCoronavirus.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachiita dzidzo dzepamusorosoro paHoward University, VaCalvin Manduna, vanoti mutemo uyu hauna zvaunobatsira, vachiti VaTrump vanongoda kufadza vatsigiri vavo sezvo vakatarisana nesarudzo muna Mbudzi gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG