Accessibility links

Breaking News

America Yarambidza Vanobva kuEurope Kupinda Mu America Kwe Mazuva Makumi Matatu


VaDonald Trump vachitaura pamusoro peCovid-19
VaDonald Trump vachitaura pamusoro peCovid-19

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vazivisa nezvemamwe matanho avari kutora mukuedza kwavo kumisa chirwere che’coronavirus’, kana kuti Covid-19, icho chiri kufararira munyika.

Parizvino, Covid-19 yauraya vanhu makumi matatu nevanomwe muAmerica, vamwe vanosvika chiuru chimwe chete nezana nemakumi matatu vachizivikanwa kuti vane chirwere ichi.

Vachitaura vari muWhite House husiku hwemusi weChitatu, VaTrump vati kwemazuva makumi matatu, vanhu vanobva kunyika dzeEurope vachamiswa kupinda muAmerica kutangidza pakati pehusiku nemusi weChishanu.

VaTrump vati zvizvarwa zveUnited Kingdom hazvibatwi nemurawu uyu, izvo zvashamisa nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzirikuti chirwere cherudzi urwu chinopomeranwa hachina rusarura rwekuti munhu anobvepi. VaTrump vati avo vanogara muAmerica zviri pamutemo vanogona kudzoka kuAmerica pasina zvinovavhiringa.

Zvichakadaro, sangano remutambo we’basketball’, reNational Basketball Association (NBA), range ramboti mitambo yaro yese ichatambwa pasina vanhu vanobvumidzwa kupinda kunoona mitambo iyi sezvo kuungana kwevanhu vazhinji panzvimbo imwe chete kwave kurambidzwa pamusoro pechirwere ichi. Asi mushure mekuwana umwe mutambi wavo aine chirwere che Covid-19, NBA yazozivisa kuti mitambo yese ye’basketball’ yamiswa kwenguva isingazikanwi kusvika vanamazvikokota vanyatso nzwisisa pamusoro pechirwere ichi.

Nyanzvi menezve hutano, Doctor Frenk Guni, vanoti vaTrump vakurudzira makambani anogadzira mishonga kuti vashande zvinesimba uye kuti vakurumidze kuwana mushonga weCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG