Accessibility links

Breaking News

VaDonald Trump Vanoti Varikushandisa Mushonga Unonzi Navanachiremba Hauna Humbowo Hwekushanda PaCovid-19


VaDonald Trump vachitaura nevatori venhau
VaDonald Trump vachitaura nevatori venhau

Mutungamiri we America, VaDonald Trump, vaudza vatori venhau kuti varikutora mushonga unonzi ‘hydroxychloroquine’ kuti vazvidzivirire kubva kuchirwere che Covid-19.

Mushonga uyu unoshandiswa mukurapa zvirwere zvakaita se malaria nepanobatana mapfupa, kana kuti ‘arthritis’, asi vanachiremba vanoti hapana humbowo hwekuti mushonga uyu unorapa kana kudzivirira chirwere che Covid-19.

VaTrump vati vave nemasvondo matatu vachitora mushonga uyu, vachiti chiremba wavo haana kuvaudza kuti vatore mushonga uyu asi ivo vakaukumbira kubva kuna chiremba wemuzinda weWhite House.

VaTrump vaudza vatori venhau kuti, “Ndakatanga kunwa mushonga uyu nekuti ndinofunga kuti mushonga wakanaka uye ndakanzwa zvakawanda zvakanaka pamusoro pemushonga uyu.”

Dr Simbiso Ranga, avo vanoshandira mudunhu reNorth Carolina, vanoti pakaitwa ongororo dzakawanda nezvipatara zvepamusoro asi hapana zvakambobuda zvichiratidza kuti mushonga uyu unoshanda paCovid-19.

Vanachiremba vazhinji nezvipatara zvizhinji zvakambotauravo kuti hapana humbowo hwekuti mushonga uyu unobatsira asi VaTrump vanotsika madziro vachiti mushonga uyu unobatsira.

Dr Ranga vati havakurudziri vanhu kutora mushonga uyu mukudzivirira kana kurapa Covid-19 vachiti mushonga uyu unogona kukuvadza neimwe nzira pachinhambo chekubatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG