Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanonzi Havana Simba Rekurambidza Vakambovashandira Kuti Vabvunzurudzwe neCongress


VaDon McGahn
VaDon McGahn

Nyaya yekuferefetwa kwaVaDonald Trump iri kuramba ichavaomera mushure mekunge jaji muWashington D.C. atonga kuti VaTrump havana simba rekurambidza vanhu kupa humbowo pamberi pe paramende. Mumashoko ekurondedzera mutongo wavo, jaji Ketanji Brown-Jackson vati vaimbove gweta raVaTrump muWhite House, VaDon McGahn, vanofanirwa kumira mberi kweparamende vachibvunzwa pamusoro pezvakatenderedza mhosva dziri kupomerwa vaTrump, vachiti VaTrump havana masimba ekurambidza VaMcGahn, kana ani zvake ari kushanda kana akamboshanda muWhite House kuti vape humbowo. Vamwe vakarambidzwa naVaTrump kuti vape humbowo kuparamende vanosanganisa gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vaimbove chipangamazano chaVaTrump, VaJohn Bolton nevakafano bata chigaro chevanoona mashandiro evanhu muWhite House, VaMick Mulvaney. Vebato reDemocratic Party vari kuongorora kana VaTrump vakaedza kumanikidza Ukraine kuti iongorore VaJoe Biden, avo vanofungidzirwa kuti vangangosarudzwa kuti vakwikwidzane naVaTrump musarudzo yekuve mutungamiriri wenyika gore rinouya, vanofunga kuti vanhu ava vane zvavanoziva zvingabatsira kusimbisa nyaya yavo pamusoro pezvavari kupomera VaTrump. Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti VaTrump vachenjerere kuti nyaya iyi ingavapiringidza zvakaipisisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG