Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanosangana neMutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame kuDavos


VaPaul Kagame naVaDonald Trump kuDavos, Switzerland.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vasangana neChishanu nemutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, avo vanove sachigaro weAfrican Union.

Uyu waita musangano wekutanga waVaTrump vachisangana nemutungamiri wenyika yemuAfrica mushure mekutaura mashoko anozvidza nyika dzemuAfrica avakataura masvondo maviri apfuura.

Musangano wavatungamiriri vaviri ava watora nzvimbo mushure mekunge kwaVaTrump vataura kumusangano weWorld Economic Forum kuDavos, Switzerland.

Mumashako avo vachitaura vari muDavos, VaTrump havana kutaura pamusoro peAfrica izvo vakawanda vanoti zvinoratidza pamire pfungwa dzavo.

VaTrump vabata bata dzimwe nyika dzeku Asia, asi mashoko avo akawanda anga ari ekuzvirumbidza mubasa ravo semutungamiri weAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paHuddersfield College kuBritain, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti VaTrump varatidza kuti pari zvino America haina hany’a neAfrica uye havaoni hukama neAfrica huchizombochinja zvikuru.

“Asi tinozivazve kuti Africa ine hutungamiri husina kunyatsobuda pachena, hwevanhu vanotonga zvisingadiwe nevanhu. Vanhu ivavo vanonetsa kuti trump anogona kuvashandisa achitora zvaanoda nekuti anenge achivaudza kuti ‘tinogona kukubatsirai kuti murambe muchitonga kana kuti muwane masimba,” Doctor Sibanda vaudza Studio 7.

“Hurumende dzakawanda dzemuAfrica hadzisi dze ‘democracy’; dzinogona kungoshandiswa apa vanhu vacho vachingotukwa,” vadaro VaSibanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG