Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Vokurudzira Kutambidzanwa kweMasimba


ambassador-harry-thomas.
ambassador-harry-thomas.

Mumiriri wenyika yeAmerica muZimbabwe, VaHarry K Thomas Jnr, vanoti America yakazvipira kubatsira Zimbabwe kuti iite sarudzo dzakachena gore rinouya uyewo pave nekuchinjana masimba zvisina mhirizhonga sezvakaitika kunyika kwavo mwedzi wapfuura apo mutngamiriri mutsva weAmerica, VaDonald Trump, vakatambidzwa masimba murunyararo naVaBarrack Obama.

Vachitaura pagungano rekupemberera kugadzwa kwaVaTrump semutungamiri wenyika raitwa muHarare neChitatu, VaThomas vati masimba agara achitambidzwana murunyararo munyika yavo uye vanodawo kuti Zimbabwe itevedzere gwara iri.

VaThomas vati vanhu vemuZimbabwe vanofanira kupihwa mukana wekutsvaga mutungamiriri wavanoda pachena musarudzo dzakachena dzisina mhirizhonga.

Vati vanhu vese nemasangano akasiyana siyana pamwe nemapazi ehurumende ane chekuita mukuona kuti nyika yaita sarudzo dzakachena.

Vati America ichatsigira vese vachange vachitevera donzvo iri.

VaThomas vati vanozviziva kuti patove nehurongwa hwekuda kukonzera mhirizhonga musarudzo uye America haisi kuzobvuma kuti izvi zviitike.

Vashorawo mhirizhonga yakaitika musarudzo dzichangobva kuitwa kuBikita West vachiti handiwo maitirwo anoitwa sarudzo pasi rese.

Vati America inoda kuona Zimbabwe ichibudirira vanhu vachigara vachifara vaine mabasa pamwe nekugara zvakanaka.

Panyaya yemutemo wakadzikwa naVaTrump uyo unorambidzwa zvizvarwa zvedzimwe nyika nomwe kupinda muAmerica, VaThomas vati havana zvakanyaya zvavangataura sezvo vakamirira kunzwa kubva kuhurumende yavo kuWashington DC.

Vaenderera mberi vachiti America inobatsiririkana zvikuru kubva kuzvizvarwa zvedzimwe nyika uyewo zvizvarwa zvedzimwe nyika ndizvo zvakatanga makambani makuru pasi rese akaita se eBay, Google, Istagram, Tesla, Uber neVenmo.

Mumwe wevanhu vakatanga Venmo, Iqram Magdon Ismai akabva kunyika yeZimbabwe.

Nyaya yekurambidza zvizvarwa zvekune dzimwe nyika dzakaita seLibya, Sudan neSomalia inyaya yakonzeresa mutaura pasi rese.

Asi vamwe vakaita saVaCollin Zhou vanoti havana chavanoona chakaipa pane zviri kuitwa naVaTrump sezvo vari kuita zvavaivimbisa apo vaitsvaga rutsigiro.

VaTrump vakakunda Amai Hillary Clinton musarudzo dzakaitwa muna Mbudzi gore rapfuura kuita mutungamiriri wechimakumi mana neshanu weAmerica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG