Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanocherechedza Kuwana kweAmerica Kuzvitonga Vachiremekedza Zvine Mutsindo Mauto eNyika Yavo


Trump Fourth of July
Trump Fourth of July

Mutungamiriri weAmerica, VaDonald Trump, vakataura kekutanga neChina manheru kuvanhu vakange vachipemberera zuva rekuwana kuzvitonga kwenyika yavo re 4th of July.

Nhemberero dzekucherechedza zuva iri dzaakaitwa paLincoln Memorial muWashington D.C.

VaTrump vakarumbidza zvikuru mauto avo vachiti hapana mauto anodarika eAmerica pasi pose.

Asi vanhu vakawanda kusanganisira vezvematongerwo enyika havana kufara nedanho rakatorwa naVaTrump rekutora mukana uyu kuita zvematongerwo enyika.

Asi vachitaura pahurongwa uhu, VaTrump havana kunyomba vebato rinopikisa reDemocratic Party sezvavanogara vachiita.

VaTrump vakarumbidza zvikuru vanhu vemuAmerica vachiti vanhu vakatsunga uye vanofarira rusununguko rwavo.

“Takaungana pano manheru ano, tiri mumafaro ekusununguka, tinorangarira kuti takabva kure tese uye tese tiri vana vane nhoroondo huru isati yamboonekwa pasi pano. Nhoroondo yevanhu vakakosha vakazvipira kuchengetedza chokwadi nekuita zvavanoziva kuti ndizvo zvakanaka,” VaTrump vakaudza gungano revanhu.

VaTrump vakakurudzira vechidiki kuti vapinde muchiuto sezvo muine mukana mikuru.

Mutungamiri weAmerica akati basa rechiuto ibasa rinoremekedzwa zvikuru.

Mhemberero dzeChina manheru dzakaona America ichisvitsa makore mazana maviri nemakumi mana nematatu yabva mukutongwa neBritain.

Mhemberero idzi dzakavevo dzekutanga mauto eAmerica achifora mumigwagwa achiratidza zvombo zvawo kuvanhu, zvikakarara zvendege dzechiuto dzehondo dzichibururuka mudenga.

Izvi zvakaita kuti nhandare yendege, yeReagan International Airport imbovharwa panguva iyo ndege dzemauto dzaive muchadenga dzichipemberera kuwana kweAmerica kuzvitonga kuzere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG