Mazana nemazana evanhu anonzi akatambura neMuvhuro manheru munzvimbo dzakasiyana-siyana muHarare nemamwe maguta nekuda kwekunetsa kwemabhazi nedzimotokari zvinotakura veruzhinji, izvo zvinonzi zvakakonzerwa nekushaikwa mwedhiziri mumagaraji akawanda.
Dambudziko remafuta ekufambisa iri rinonzi rakatambirwawo nevemichovha nemaoko maviri sezvo vakachikwidza mari dzavanobhadharisa vanhu pakufamba munzvimbo dzakawanda kubva padhora rimwe chete kuenda pamadhora ari pakati pematatu nemashanu, zvichienderana nekuti rwendo rwakareba zvakadii.
Vamwe vanoti dambudziko iri rakawedzerwa nekubuda kunonzi kuri kuita vemabhazi vakawanda muhurongwa hwehurumende nevemabhazi ava huri pasi pekambani yehurumende yeZUPCO.
Zvinonzi vemabhazi ava vainyunyuta nekusabhadharwa sezvakanga zvawiriranwa neZUPCO, izvo zvaivasiya vasina mari dzekugadzirisa mabhazi avo.
Ukuwo, dambudziko remafuta ekufambisa rinonzi rawedzera zvekusvika pakaipa, hurumende ichinzi iri kutatarika kuwana mari yekunze yekuti ishandise kutenga mafuta aya, ayo anonzi atori munyika nechakare.
Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJorum Gumbo, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu, kunyange hazvo vaudza New Zimbabwe.com kuti zvinhu zvakagadzikana munyaya dzemafuta ekufambisa.
Mutauriri wesangano revemabhazi reChitungwiza Commuter Omnibus Operators' Association, VaFarai Muza, vanoti dambudziko remafuta ekufambisa iri rave kuita kuti vemabhazi varare vari mumitsetse vachitsvaga dhiziri.
VaMuza vanoti izvi zvave kupawo kuti vafambi vakanganisike mumarongero avo, sezvo vanenge vasina kugadzirira shanduko dzave kukonzerwa nekukwidzwa kwemari dzemabhazi.
Facebook Forum