Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotaura Pamusoro peMishonga yeChvanhu


Zimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA
Zimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemishonga yechivanhu inoti vamwe vanhu vakawanda pasi rose vave kutambirawo mishonga yechinyakare zvikuru munguva ino yekupararira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19.

Asi inoyambirawo kuti zvakakosha kuti vanhu vatevedzerewo zvavari kuudzwa navanachiremba muzvipatara.

Mazvikokota munyaya dzezehutano nemishonga yechivanhu, Dr William Nyarota, vanoti vanhu vakawanda kune nyika dzekunze vakaratidza kufarira mishonga yechivanhu munyika vachiyedza nzira dzekuti vasafe nechirwere cheCovid-19.

Dr Nyarota vave nemakore makumi matatu vachiita basa rekudzidza nezvemishonga yechivanhu iyi uye vanoti vavekuiya zvidzidzo zvepamusoro soro kana kuti PHD in Herbal Medicine and Research.

Doctor Nyarota vanotiwo mishonga yechizvino zvino haifanirwe kusiiwa nokuti ine painodiwawo. Vaendera mberi vachiti mishonga yepasichigare iyi inoongororwa nenyanzvi sezvinoitwa mimwe yose kumuma laboratory vakati hapana chekutya pakuishandisa.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, Bishop Cuthbert Nyaruvende, avo vanotungamirawo Sangano Dzvene Revapositori vatsinhirawo vachiti nhengo dzesangano ravo dzakarapa vanhu vakawanda munguva ino yeCovid-19.

Mumwe wevanhu vaitarisira pasi mishonga yechivanhu sekuudzwa kwavanoitwa kukereke, Muzvare Maidei Razare, vanoti vakazogutsikana pakaponeswa amai vavo nemishonga iyi mushure mekurwaea neCovid-19.

Mushure mekuona kuti vanhu vakawanda vari kushandisa mishonga yechivanhu nezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira hurombo, hurumende muna 2020 yakadzika mutemo weTraditional Medical Practitioners Act .

Mutemo uyu unoumba sangano rinoongorora mashandisirwo emushonga uyu kana kuti Traditional Medical Practitioners Council kuti unyorese zviri pamutemo vanorapa nemishomga yechivanhu nekuonawo mashandiro avo uye kukurudzira kushandiswa kwemishonga yechivanhu.

Sangano reWorld Health Organization rinoitawo ongororo dzekuona mashandisirwo emishonga yechinyakare munyika dzinodarika zana nemakumi manomwe pasi rose uye zviri kuratidza kuti nyika dzakawanda dziri kushandisa mishonga yechinyakare iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG