Accessibility links

Breaking News

Kutengeswa kweFodya Kunotanga Varimi Vakawanda Vachifarira Mutengo Wayo


Tobacco auction in Harare

Vakafanobata chinzvimbo chemutungamiriri wenyika, Retired General Constantine Chiwenga, vaparura neChitatu mwaka wekutengesa fodya vachiti fodya yave kupinda muchirongwa cheCommand Agriculture mumwaka unotevera.

Mumashoko avo pachiitiko ichi chaitirwa pamusika wefodya weTSF, VaChiwenga vati fodya yakakosha chose uye hurumende yavo ichatsigira kurimwa kwefodya senzira yekuvandudza hupfumi pamwe nekusimudzira magariro evanhu munyika.

Vati fodya inounza mari yekunze yakawanda sezvo zvikamu makumi mapfumbamwe nesere kubva muzana zvefodya yese inorimwa munyika ichitengwa nenyika dzekunze.

Nekuda kwaizvozvo, VaChiwenga vati hurumende ichatangawo kutsigira kurimwa kwefodya pasi pechirongwa chayo cheCommand Agriculture apo varimi vanopihwa mbeu, fotireza, mishonga nezvimwe vozobhadhara kana vachinge vatengesa zvirimwa zvavo.

Pari zvino makambani akazvimirira ndiwo anotsigira zvikamu makumi masere nezviviri zvevarimi vefodya nembeu fotireza nezvimwe.

Chirongwa cheCommand Agriculture chavevo kusanganisira varimi vemombe, gorosi hove nezvimwe.

Pavhurwa musika mutengo wepamusoro soro wange uri pa$4.99 pakirogiramu, kozotiwo mutengo wepasi wange uripa $1.34 pakirogiramu imwe chete.

Amai Tsitsi Nyirenda, avo vanorima vari kuGoromonzi vaudza Studio7 kuti vafara nemutengo wanhasi.

VaBurzil Zenda vekuTengwe kuKaroi vanotiwo vafadzwa nemutengo wanhasi.

Mumwe murimi, Amai Batsirai Handiseni, vaudza Studio7 kuti mutengo wanhasi wakanaka uye vanotarisisa mutengo wakakwira kune vaya vanenge vaine fodya yakanaka.

Sachigaro wekambani yehurumende inoona nezvekutengeswa kwefodya, yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB),Amai Monica Chinamasa, vakurudzira varimi kuti vazvibate pamusika musika kuratidzira kana vachinge vasina kufara.

Amai Chinamasa vati huwandu hwevarimi vefodya hwakwira nezvikamu makuma mana nezvitatu kubva muzana kusvika pa118 549.

Vakurudzira varimi kuti vatevedze zvavanoudzwa nemadhumeni kuti vawane goho rakanaka nemari yakawanda apo vanotengesa fodya yavo.

Pane misika mitatu yefodya inoti TSF, Boka nePremium.

Makambani anotenga fodya akazvimirira kana kuti maContract Buyers,achatanga kutenga fodya mangwana.

Zvinotarisirwa kuti pachatengeswa makirogiramu efodya anodarika mamiriyoni mazana miviri mwaka uno izvo zvichaunza mari yekunze inodarika mamiriyoni mazana mashanu emadhora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG