Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Voyambira RBZ Kuti Vabhadharwe Zviri paMutemo


Tobacco auction in Harare
Tobacco auction in Harare

Vane misika yekutenga fodya vanoti bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rinofanira kuona kuti mabhanga ese ari kumisika iyi ane mari inokwana kuti varimi vese vawane mari yavanosungirwa kuwana pazuva.

Vachitaura nevakuru vakuru vekambani yehurumende yeTobacco Industries Marketing Board avo vange vari kuona kuti misika iyi yagadzirira zvakadii mwaka wekutengesa fodya, vemisika iyi vati sezvo RBZ yakati varimi vanokwanisa kuwana madhora mazana matatu pazuva, mabhanga ese anofanira kunge aine mari yekuita izvi.

Mumwe mukuru pamusika weTobacco Sales Floor, VaPeter Mujaya, vati chisingafadzi ndechekuti kana varimi vachinge vashaya mari dzavo kumabhanga, vanodzoka kuzopopota kumisika uko vanenge vatengesa fodys yavo.

Vati semuenzanizo gore rapera RBZ yainge yavimbisa kuti varimi vazokwanisa kuwana churu chemadhora pazuva asi izvi hazvina kuitika uye mamwe mabhanga aipa mazana maviri emadhora izvo zvakazomutsa bongozozo pamusika uyu.

Asi sachigaro veTIMB, Amai Monica Chinamasa, vatiwo zvakakosha kuti vemisika yefodya vadzidzise varimi kuti vachange vachibhadharwa sei uye kuti vanofanira kunyoresa fodya vasati vauya nayo kumusika.

Amai Chinamasa vati vanozivisa kuti varimi vanenge vachidawo mari yekunobhadhara vanhu vakaivaitira basa asi vati zvakakosha kuti varimi ava vazivewo kuti nyika yakatarisana nedambudziko remari uye vanofanira kutambira mari iripo.

Svondo rapfuura RBZ yakazivisa kuti varimi vachange vachikwanisa kupihwa mazana matatu emadhora pazuva mushure mekutengesa fodya uye imwe yacho ichange ichizoiswa mumabhanga avo.

Amai Chinamasa vanoti vanofara chose negadziriro yekuvhura misika iyi uye pamisika mina yavashanyira nhasi inoti Boka, TSF, Premium neMashonaland Tobacco Company, yese yave nezvinodiwa zvakaita semakirinika, zvimbuzi, mvura nezvese zvinoita kuti misika iyi ikwanise kushanda zvakanaka.

Misika yefodya inovhura nemusi wa 21 Kurume.

Amai Chinamasa vati zvinofadza kuti mamwe makambani anotenga fodya achange achitenga fodya munzvimbo dzakaita seRusape, Mvurwi neKaroi.

Vati izvi zvichaderedza huwandu hwevanhu vanouya kuzotengesa fodya pamisika iri muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG