Accessibility links

Breaking News

Nhomba yeCovid-19 Iri Kubva kuChina Ichapihwa Vanhu Isina Kuongororwa muZimbabwe


ការ​ចាក់​វ៉ាក់សាំង​បង្ការ​ជំងឺ​កូវីដ១៩​ ស៊ីណូហ្វាម​​ នៅ​ភ្នំពេញ​ ថ្ងៃ​ទី១០​ ខែ​កុម្ភៈ​ ឆ្នាំ​២០២១​។ (ហ៊ាន សុជាតា​​/វីអូអេ)
ការ​ចាក់​វ៉ាក់សាំង​បង្ការ​ជំងឺ​កូវីដ១៩​ ស៊ីណូហ្វាម​​ នៅ​ភ្នំពេញ​ ថ្ងៃ​ទី១០​ ខែ​កុម្ភៈ​ ឆ្នាំ​២០២១​។ (ហ៊ាន សុជាតា​​/វីអូអេ)

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti mushonga wekudzivirira Covid-19 uyo uri kutanga kusvika nemusi weMuvhuru ichibva China, unofanira kutevedza gwara rinoshandiswa pamishonga yese inopinda munyika rekuti unotanga waongoororwa kuti unoshanda sei muZimbabwe zvichienderana nemhando yehutachiwana huri muno usati wapihwa veruzhinji.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti mushonga usati watengwa, Zimbabwe, kuburikidza nebazi rehutano, inotanga yaongorora kuti mushonga uyu wakagadzirwa sei kunyika kwaunobva, uye kuti zvawakashatira ndezvipi veruzhinji vasati vapihwa mushonga uyu.

Vati panopinda mushonga uyu munyika, unofanira kutanga waongororwa sezvo wakagadzirwa kudunhu repasi rino rakasiyana neZimbabwe.

VaMadzorera vati ongororo iyi inogona kuitwa mukati meguva pfupi sezvo denda reCovid-19 riri kupararira nekusaika.

VaMadzorera vati pari zvino havana ruzivo kuti izvi zvakaitwa here kana kuti kwete sezvo hurumende isiri kubuda pachena nehurongwa hwayo.

Imwe nyanzvi yezvehutano, Dr Peter Mataruse, vatiwo tarisiro yavo ndeyekuti Medicines Control Authority of Zimbabwe, ichaongorora mishonga yeCovid-19 sezvainoita pamishonga yese inopinda munyika sezvinodiwa nemitemo yakaita kuti bazi iri riumbwe munyika.

Vati ongororo idzi dzinogona kuitwa kunyange hazvo mushonga watove munyika.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vatsinhira mashoko emamwe machiremba, vachiti paramende inotarisira kuti bazi rehutano richavapakurira zvizere nemusi weChipiri pavanotanga kugara dare reNational Assembly.

Mukuru weMedicine Control Authority of Zimbabwe, VaRichard Rukwata, vatiwo vakapa hurumende mvumo yekuunza mishonga yeCovid-19 munyika mushure mekunge yatevedza zvese zvinodiwa pasi pemitemo yenyika.

Pasi pechibvumirano cheZimbabwe Covid-19 National Development and Vacccination Strategy, Medicines Control Authority of Zimbabwe inopa mvumo yekuunza nekushandisa mishonga iyi mukati memazuva mashanu ichinge yapihwa humbowo hunoratidza kuti mishonga iyi yakanyoreswa munyika dzayakagadzirwa, uye kuti yakanyoreswawo nesangano reWorld Health Organisation here kana kuti kwete.

Vati panofanirawo kuitwa ongororo yekuona kuti mishonga iyi haikanganise here vanhu munyika yose.

Vati kunyange hazvo ongororo dzakadai dzichikwanisa kutora nguva yakareba, dzinokwanisa kuitwa mukati memazuva manomwe sezvo mishonga iyi iri kushandiswa zvechimbichimbi.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano, Dr John Mangwiro, vati hurumende yakatevedza zvese zvinodiwa uye vari kutevedza hunyanzvi hwesainzi pamatanho ese avari kutora.

Gurukota rezvehutano, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vati zvinhu zose zviri mugwara uye mushonga uri kusvika munyika, uchabva wapihwa vanhu vari muchikamu chekutanga kuwana nhomba iyi.

Vanhu ava vanosanganisira vana chiremba, vakoti, vashandi vemuzvipatara nevose vanoita mabasa anonzi akakosha zvikuru.

Izvi zvinoburitsa pachena kuti hurumende haina hurongwa hwekutanga yaongorora nhomba iyi isati yapihwa veruzhinji.

Mutangamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotarisira kugamuchira mishonga yeSinopharm inosvika mazana maviri ezviuru nemusi weMuvhuro painosvika munyika ichibva kuChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG