Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoti Zimbabwe Icharamba Ichishandisa Mari dzeKunze


Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.
Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vazivisa kuti hurumende icharamba ichishandisa mari dzekune dzimwe nyika zvisinei nekuti vazhinji vari kuti hurumende inofanira kusiyana nemari idzi kunyanya mari yekuAmerica sezvo yakonzera kukwira kwemitengo yezvinhu izvo zvave kukonzera kutambura kweveruzhinji munyika.

Vachipindura mibvunzo mushure memusangano wedare remakurukota, VaNcube vati vachakwanisa kuita izvi chete kana pachinge pave nehwaro hwakasimba hwekutsigira mari yemunyika.

Vati kuita izvi pasina hwaro uhwu kunogona kuwedzera kushata kwezvinhu munyika munyaya dzehupfumi.

Vati hurumende inoziva kutambura kwevanhu ndosaka iri kutora matanho ekurerutsa mararamiro evanhu vachiti mumwedzi mitatu yekutanga kwegore rino, hurumende yakashandisa mamimiriyoni gumi nematanhatu pakubatsira vanotambura.

Gurukota rinoona nezvemabhizimisi nemaindasitiri, Mangaliso Ndhlovu, vati hurumende inoziva kuti pane makambani mashomanana ari kushanda pamwe chete nemakoronyera mukukwidza mitengo yezvinhu uye ndosaka hurumende yave kushandura mutemo kuti izvi zvisarambe zvichiitika.

VaNcube vatiwo pane makambani akazvimirira ari kukwidza zvinhu zvisina tsananguro ndosaka vave kuda kuti kambani yehurumende, yeSilo Foods, ive iyo yoga inounza chibage, gorosi nechimwe chikafu kuti zvitengeswe nemitengo iri pasi.

Mune imwewo nyaya, sangano remubatanidzwa wemaMedical Aid reAssociation of Healthcare Funders kana (AHFoZ) rinoti hurumende inofanira kubvisa madhora ekuAmerica pamari dzinoshandiswa munyika richiti mari iyi yavhiringidza zvinhu munyika sezvo mabhizimisi munyaya dzehutano nemamwe vave kutara mitengo yemabasa nezvinhu vachishandisa mari iyi.

Sangano reAHFoZ raudza komiti yeparamende inoona nezvehutano kuti hurumende inonfanira kumbomira kushandisa mari yekuAmerica yoshandisa mari chaiyo inoshanda richiti kunyange hazvo hurumende ichiti maRTGS dollars, mari iyi haichashanda.

Sachigaro vesangano iri, VaStanford Sisya, vaudza komiti iyi kuti kunyange hazvo maRTGS achinzi anoshanda, vana chiremba, zvitoro zvemishonga, nedzimwe nyanzvi munyaya dzehutano vakubhadharisa pamwe nekutengesa mishonga nemari yekuAmerica.

Vati izvi zvinomesera veruzhinji vanobhadhara mari dzavo kunhengo dzesangano ravo neRTGS asi vachibhadhariswa mari yekuAmerica.

VaSisya vati izvi zviri kuita kuti varasikirwe nemari yakawanda uyewo varwere vachibhadhariswa madhora ekuAmerica kunyange vakabhadhara mari yavo kuMedical Aid neRTGS.

Vati semuenzanisokuti murwere anoonekwe nachiremba anobhadhariswa maRTGS dollars makumi matatu nemashanu kana kudarika uye pamusoro pezvo ozobhadhariswa zvakare madhora gumi kana makumi maviri ekuAmerica.

VaSisya vati hurumende inofanira kungobuda pachena kumara yeAmerica ndiyo yave kushandiswa chete muno kana kubvisa mari iyi pamari dzinoshandiswa munyika kuti vanhu vakwanise kushandisa maRTGS dollars.

Vati mari yekuAmerica inofanira kushandiswa kutenga mishonga kunze kwenyika uye zvose zvinowanikwa muno zvinofanira kutengwa nemaRTGS.

Vatiwo sangano ravo rinotsigira chirongwa cheNational Health Insurance scheme vachiti izvi zvinoita kuti munhu wese akwanise kunorapwa.

VaSisya vati kushwaikwa kwemishonga, vana mukoti nevarapi muzvipatara zvehurumende ndozviri kuita kuti vanhu vaende kuzvipatara zvakazvirmirira izvo vati zvinodhura zvakanyanyaya.

Vati makambani makumi maviri nemapfumbamwe ari musangano ravo ane nhengo miriyoni nemazana matatu uye huhwandu hwevanhu ava huri kuenda kuzvipatara hwakaderera nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Nhengo dzekomiti iyi inotungamirirwa naDoctor Ruth Labode dzati kunyange hazvo National Health Insurace Scheme yakanaka zvakakosha kuti paiswe hwaro hwekuti mari inobhadharwa nevanhu pasi pechirongwa ichi inoshandiswa kupa vanhu hutano kwete kushandiswa kuti vanhu vagare mutambarakede sezviri kuitika kuNational Social Security Authority.

Dr Labode vati nhengo yeAHFoZ, PSMAS yakatoratidza veruzhinji munyika kuti inokwanisa kuita izvi apo nhengo dzayo dzaitadza kuwana mishonga kuzvipatara asi vakuru vakuru vekambani iyi vachitambirisana mari dzinotyisa pamwe nekupanana mari dzekuvaka dzimba nekuendzesa vana vavo kuzvikoro zvepamusoro soro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG