Accessibility links

Breaking News

Thomas "Mukanya" Mapfumo Onaga Kunoridza Mumhanzi kuZimbabwe


VaThomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira munyika, Thomas Tafirenyika Mukanya Mapfumo, uyo achangobva mukupihwa mubairo we ‘World Music Award” kugungano re 2018 Globalfest mu New York muno muAmerica anoti ave mubishi kugadzirira kuenda kuZimbabwe mushure mekumboenda muhupoteri kuOregon, America kwemakore akawanda.

Mukanya mumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvave kumbodzokera kumusha mushure mekupidigurwa kwehurumende yaVaMugabe nemauto gore rapera.

VaMapfumo vanotiwo vachaenda kunokwenya kuSouth Africa neBritain kana vabva kuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMapfumo vanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanira kuuya kuzoona bira ravakaronga uye vanenge vaine dzimwe nziyo itsva dzavachabura. Machikichori aya anenge ari kuGlamis Arena, Showgrounds muHarare musi wa 28 Kubvumbi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG