Accessibility links

Breaking News

Thomas Mapfumo Oshora Mapato eZanu PF ne MDC Alliance


Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, ari kushora zvikuru hurumende achiti haina hany’a nevanhu, uye iri kutadza kupedza huori munyika.

Mapfumo anoti Zanu-PF haigone kugara nekushanda nevanhu kunze kwekuita zvinhu nechisimba pazvinhu zvese.

Mapfumo ashorawo mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, achiti vanoramba vakanyarara apo vanhu vanorwira kodzero dzevanhu vachisungwa nekurohwa.

Vati bazi revechidiki, reMDC Alliance Youth, haribatsiri uye hapana zvariri kuitira vanhu.

Mapfumo akurudzira VaChamisa kuti vatarise nekudzidza zviri kuitwa nevatungamiri nevanhu vanopikisa kuRussia nekuUganda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mushandi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vanoremekedza Mapfumo zvikuru semuimbi.

Asi vanoti kana zvekuimba zvave kumuomera, zviri nani kuti achitanga kudya mari yemudyandigere, kwete kutaura zvisina maturo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti zviri kutaurwa naMapfumo zvekubatanidza vanhu ndizvo chaizvo zviri kuedzwa kuitwa nebato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG