Accessibility links

Breaking News

ZDI Inoti Mauto Ari Kukonzera Kusagadzikana kuMaruwa Mazhinji


ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya
ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya

Zimbabwe Democracy Institute, ZDI, inoti kunyange hazvo Zimbabwe Defence Forces ichiti hapana mauto ari kuita zvematongerwo enyika, zvakabuda muongororo yayakaita zvinoratidza kuti pane mauto ari kuita zvematongerwo enyika uye mazhinji ari kuita izvi ari kumatunhu matatu eMashonaland.

Vachitaura apo vaparura gwaro iri, mukuru weZDI, Doctor Pedzisai Ruhanya, vati ongorora yavo yakaratidza kuti hurumende yakawedzera mauto mumaruwa zvichitevera kubviswa kwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nemauto muna Mbudzi.

Doctor Ruhanya vati vakaita ongororo iyi zvichetevera zvichemo zvemapato anopikisa akaita seMDC Alliance pamwe neNational Patriotic Front zvekuti mauto ainge azara mumaruwa.

Zvikamu makumi masere nechimwe kubva muzana zvevanhu vakabvunzurudzwa zvakabvuma kuti mumisha yavanogara mune mauto uye zvikamu gumi nezvipfumbabwe kubva muzana, vakaramba kuti hakuna mauto munzvimbo dzavo.

VaRuhanya vanoti ongororo yavo inoratidza kuti mauto akawandira kumatunhu ese matatu ekuMashonaland uko VaMugabe vaive nerutsigiro rwakanyanya.

Panyaya yekuti vakaona sei kuti masoja ari mumaruwa, VaRuhanya vakati zvikamu makumi mana nezviviri zvevanhu vakati masoja aya anatofamba akapfeka hembe dzawo dzabasa uye dzimwe nguva vaitofambawo nepfuti.

Mutauriri ZDF, Colonel Overson Mugwisi, svondo rapfuura vakaudza vatori venhau kuti mauto ari munzvimbo zhinji dzenyika ari kuita mabasa akasiyana siyana akaita sekubatsira vanhu pachirongwa cheCommand Agriculture nekuchengetedza miganhu nedzimwe nyika pamwe nekuita mamwe mabasa ekubatsira vanhu.

Asi VaRuhanya vanoti mauto aya ari kuita zvematongerwo enyika.

Vanotiwo nyaya yekuti mauto akatora zvinzvimbo zvepamuoro muhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inyaya inoita kuti veruzhnji vatye zvakanyanya.

Vanoti gwaro ravaparura nhasi rine chinangwa chekudzidzisa vekune dzimwe nyika nemasangano anoshanda akazvimirira kuti vapinde mumaruwa anoona zviri kuitwa nemauto munzvimbo idzi.

Vanoti kunyange hazvo mauto aya asiri kurova vanhu, ari kuvatyityidzira nemhando yepamusoro izvo zvinogona kukanganisa zvichabuda musarudzo.

Zvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana zvevanhu vakabvunzurudzwa zvakati zvave kutotya kuvhotera mapato anopikisa, uye zvikamu makumi mana nezvisere kubva muzana zvakati zvichabuda musarudzo zvinenge zvisangaratidze zvido zveveruzhinji

Vanongorora zvematongerwo enyika vakazvimira, VaMalvern Mkudu, vaudza Studio7 kunyange hazvo vakuru vemauto vachiramba kuti havasi kuita zvematongerwo enyika mashoko evamwe vakuru vakuru mubato reZanu PF anoita kuti veruzhinji vaone sekuti mauto achapindira zvakare kana sarudzo dzikasafamba sekuda kwavo.

Ongororo iyi yakaitwa kuManicaland, Masvingo, Midlands, Matabeleland North nematunhu eMashonaland ese kune nenhengo dzeGeneration 40 dzakadzingwa mubato reZanu PF.

Pakabvunzurudzwa vanhu zana nemakumi mashanu nevana kubva kumatunhu aya.

ZDI inoti masangano anoshanda akazvimira pamwe nemasangano nenyika dzekunze dziri kuongorora sarudzo dzinofanira kuenda kumaruwa pamwe nekukurudzira hurumende yaVaMnangagwa kuti ibvise mauto mumaruwa zvikuru sei panguva ino yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG