Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Vanodzingwa Mudare reParamende


VaThemba Mliswa
VaThemba Mliswa

Mumiriri weNorton muNational Assembly, VaTemba Mliswa, vadzingwa mudare reparamende mushure mekukonzeresa muchokoto apo vasimuka vachikumbira dare kuti riumbe komiti ichaongorora mumiriri weZanu PF muChegutu West, VaDexter Nduna, pamashoko avakataura nemusi weMuvhuro ekuti vakauraya vanhu vakawanda apo vaipopotedzana naVaMliswa panyaya yehuwori huri kupomerwa VaMliswa.

VaMliswa vati vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera mashoko aVaNduna uye vati dare rinofanira kutorera matanho VaNduna vachiti paramende haingave dare remhondi.

Vati Zimbabwe yakasviba nenyaya dzekuurayiwa kwevanhu, uye vanhu vari kupomerwa mhosva mauto, vasori nemapurisa asi paine vanhu vakatobuda pachena kuti vanouraya vanhu vakaita saVaNduna.

Izvi hazvina kufadza nhengo dze Zanu PF idzo dzatanga kupopotera VaMliswa nekuvatadzisa kuti vaenderere mberi nenyaya yavo.

VaMliswa, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kupihwa mari yechiokomuhomwe kubva kune imwe kambani yaiferefetwa nekomiti yezvezvicherwa yeJR Goddard, vati kana paramende ichikwanisa kuumba komiti yekuongorora nyaya yavo nekuda kwenyaya yakabuda mubepanhau reHerald, havaoane chingaitadzisa kuumba komiti yekungorora VaNduna avo vakatobuda pachena.

Mutevedzeri wemutauriri weNational Assembly, Amai Tsitsi Gezi, avo vange vari pachigaro sezvo VaJacob Mudenda vanga vasipo, vamboedza kunyararidza VaMliswa, asi VaMliswa varamba kuteerera vachipomera Amai Gezi mhosva yekutsigira VaNduna nekuti inhengo yebato ravo reZanu PF.

VaNduna vamboda kusimuka kuti vataure asi havana kupihwa mukana wekupindura uye vamwe vavo kubva kuZanu PF vavarambidza kupindura.

Makurukota akawanda kusanganisira mukuru wehurumende muparamende zvakare vari gurukota rezvemutemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vamboedzawo kunyararidza VaMliswa asi vapopoterwa vakapedzesera vave kutukwawo.

VaMliswa vati VaZiyambi vanofanirawo kuongororwa nenyaya dzemhirizhonga.

VaMliswa vazopedzesera vaburitswa mudare nemupurisa wedare kana kuti Sergeant – At- Arms.

Amai Gezi vazivisa kuti vachazeya nyaya yaVaMliswa vasati vapa mutongo wavo.

Mumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese, vasimukawo vachitsigira VaMliswa vachiti zviri pachena kuti VaNduna vakatyityidzira VaMliswa.

Asi Amai Gezi vati vanoda kuongorora nyaya yaVaMliswa vozopa mutongo wavo.

Mushure mekudzingwa mudare, VaMliswa vaudza vatori venhau kuti vave kukwidza nyaya yavo kumutungamiriri wenyika.

VaMliswa nedzimwe nhengo nhatu dzekomiti yavo, vari kupomerwa mhosva yekukumbira mari yechioko muhomwe inota mazana mana ezviuru zvemadhora kubva kune imwe kambani yavari kuongoorora nenyaya dzehuwori kuHwange Colliery, yeJR Goddard namuzvina bhizimisi vekuKwekwe, VaShepard Tundiya.

Asi VaMliswa vanoti vari kupumhwa huroyi hwavasina, uye izvi zvine chekuita nematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG