Accessibility links

Breaking News

Vamwe muHarare Votya Kudzoka kweMapurisa muMigwagwa apo Mauto Anodzokera kuMakamba


Vanhu vaifara vakabata mufananidzo wemukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga

Apo mauto eZimbabwe Defence Forces ave kudzokera kumabharaki awo zvichitevera chirongwa che “Operationa Restore Legacy” icho chakachabvisa vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe pachigaro, veruzhinji muHarare vanoti masoja akaita basa rawo nemazvo uye akange asingatore mari kana kushungurudza vanhu panguva iyi.

Vakawanda vataura neStudio 7 vati vanotyira kuti sezvo mauto ave kudzokera kumabharaki, mapurisa ave kudzoka mumigwagwa kuzovashangurudza.

Vati shuviro yavo ndeyekuti dai masoja aramba ari mumigwagwa kana kuti ashande pamwe chete nemapurisa vachiti izvi zvingapedza huwori uhwo vati hunoitwa nemapurisa zvakanyanya.

Panguva ye"Operation Restore Legacy" masoja ndiwo ange ari kumira pamigwagwa uye varuzhinji vati pama roadblocks pavo pange pasina zvekutorerwa mari sezvinoitwa nemapurisa.

VaCharles Muchemwa, vanoti mauto aiita zvebasa kwete zvekutorera vanhu mari zvinoitwa nemapurisa. Vanoti masoja aingobvunza zvitupa chete kwete kuita zvekubhadharisa vanhu.

Vanoenderera mberi vachiti, vangade zvavo kuti masoja ashande pamwe nemapurisa kuti huwori hupere kumapurisa.

VaJonstone Chirwa vanoti masoja haana kumbovashungurudza panguva ye"Operation Restore Legacy" uye vave kutotyira kuti mapurisa achaomesera vanhu apo ave kudzoka zvakare mumigwagwa.

Kunyange vanoitawo zvekutakura vanhu vanoti svondo rapfuura iri kwaishandika chose sezvo kwange kusina mapurisa awo vati anogaro vatorera mari pamugwagwa.

Mumwe anochaira makombi asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti zvinotori nani kushanda nemasoja pane mapurisa.

Zvinonziwo mamwe mapurisa haasi kufara nekufarirwa kuri kuitwa masoja neveruzhinji uye ari kuudza vanhu kuti vanobatsirwa nemasoja pane zvese zvavanenge vachida.

Veruzhinji munyika vari kuchema-chema nekuita kwemapurisa ayo vanoti ave kumira pamugwagwa pese pese achibvisisa vanhu mari kana kuda chiokomuhomwe.

Asi mapurisa anoti anenge achiita basa rawo uye munguva pfupi yapfuura akazivisa kuti ainge ave kuzoderedza huwandu hwema roadblocks, asi izvi hazvina kuitika.

Kunze kwema Roablocks, mapurisa anofambawo mumisika, zvitoro nedzimwe nzvimbo achibhadharisa vanhu chiokomuhomwe, zvikuru sei vaye vanenge vasina mapepa ebasa akakwana.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commssioner, Charity Charamba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

"Operation Restore Legacy" chirongwa chakaitwa nemauto kugadzirisa zvinhu zvainetsa mubato riri kutonga reZanu PF zvikuru sei kubata nhubu dzinonzi dzaifurira vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe kuti vasatonge zvakanaka.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG