Accessibility links

Breaking News

Gwaro Rinosvibisa MDC Ropihwa Dzimwe Nyika kuMusangano weAfrican Union?


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Bepanhau reku Britain, The Guardian, rabuditsa nyaya inoti hurumende yeZimbabwe ine gwaro rinosvibisa MDC rairi kupa dzimwe nyika kumusangano weAfrican Union uri kuitirwa muAddis Ababa, kuEthiopia.

Gwaro iri rinonzi riri kupomera MDC nemamwe masangano akazvimiririra, mhosva yekushanda nedzimwe nyika dzekumadokero mukukonzera nyonga nyonga munyika, chinangwa chiri chekuda kubvisa hurumende pachigaro.

Gwaro iri rinotiwo MDC ndiyo yakakonzera mhirizhonga yakaitika munyika masvondo matatu apfuura.

Studio7 yatadza kubata mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, pamwe negurukota rezvekunze kwenyika, VaSibusiso Moyo, avo vanga vasiri kudaira foni yavo.

Ukuwo nhengo yeZanu PF, uye vari sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwenyika, VaKindness Paradza, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo vasiri kumusangano weAfrican Union uyu, uye vasiri ivo vanotaura vakamirira bato nehurumende panyaya dzakadai.

VaSibusiso Moyo vari kumusangano weAfrican Union kuEthiopia kwakare uko vari kusanganawo nemakurukota anoona nezvekunze kwenyika dzawo vachivazivisa nyika idzi mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Kumusha, hurumende yakati MDC ndiyo yakakonzera mhirizhonga yakaitika munyika kunyange hazvo sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rakabuda richizivisa kuti ndiro riri kukurudzira kuramwa mabasa kwemazuva matatu, uye richiti vanhu vagare mudzimba dzavo murunyararo.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vakabudawo vachitaura pavhidhiyo vachikurudzira kuti vanhu vasaite mhirizhonga mumazuva matatu ekuramwa mabasa uku.

Hurumende yakaisa masoja mumigwagwa ichiti mapurisa akange asina simba rekumisa mhirizhonga yaiitika.

Vanhu vanodarika gumi nevanomwe vakapfurwa vakafa, uye vamwe vanodarika makumi manomwe, vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti.

Izvi zvinotsigirwa nesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, iro rina vana chiremba vairapa vanhu vaikuvara mumhirizhonga iyi.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vanodarika chiuru nemazana manomwe, avo vanosanganisira vari pasi pezera, vakasungwa vazhinji vavo vachitorwa kubva mudzimba dzavo, kwete kubatwa vachiita mhirizhonga.

Sangano iri rinoti riri kubatsira nemagweta vasungwa vakawanda avo vasina mari yekuti vabhadhare magweta anovamirira.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti zviri kuitwa nehurumende yeZanu-PF zvekusvibisa zita rebato ravo, hazvina musoro.

VaMafume vanoti Zanu PF inofanirwa kugara pasi nemamwe mapato, uye ruzhinji rwevanhu kuitira kuti patsvagwe nzira dzekupedza matambudziko akatarisana nenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG