Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Matongerwo eNyika muZimbabwe Achinjwa Zvichitevera Kudzingwa kweVamwe Vavo Muparamende


VaTendai Biti vari muParamende
VaTendai Biti vari muParamende

Zvichitevera kudzingwa muparamende kwenhengo dzebato reMDC Alliance, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, VaTendai Biti, vanovezve mumiriri weHarare East muparamende, vati zviri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvakafanana nezvakaedza kuitwa nevaimbove mutungamiri weRhodesia, VaIan Smith, vachiti kuedza kubira vanhu rusununguko rwavo nenzira iyi kuchatadza kubudirira zvakare.

Nemusi weChipiri, mutauriri weParamende, VaJocob Mudenda, vakazivisa Paramende kuti bato reMDC-T rakange ranyora gwaro kwavari richiti nhengo dzeparamende ina dzakange dzisisamiriri bato ravo.

Nhengo idzi dzinosanganisa vanomirira Kuwadzana East, VaCharlton Hwende, vanomirira Dangamvura, VaProsper Mutseyami, vanomirira dunhu reBulawayo, Amai Tabitha Khumalo, naSenator vekuMidlands, Amai Lilian Timveous.

VaBiti vaudza Studio 7 kuti aya mabasa aVaMnangagwa, vachiti kana VaMnangagwa vachida zvigaro zveparamende izvi bato ravo rinovapa.

VaBiti vati zvematongerwo enyika muZimbabwe zvatochinja kubva. “Hondo yerusununguko haisi muparamende chete asi mumigwagwa, mumaruzevha, munzizi, mumafakitori nemumachechi,” VaBiti vakaudza Studio7.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vakaudza Studio 7 kuti bato ravo harinei nezviri kutika mune mamwe mapato, vachiti MDC inofanirwa kudzidza kugadzirisa matambudziko ayo isinganeneri mamwe mapato mhosva.

VaBiti vati bato ravo richazivisa vanhu nekukurumidza zvarinenge raronga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG