Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yokurudzira Masangano eVashandi muSADC Kutorera Zimbabwe Matanho


Takavafira Zhou
Takavafira Zhou

Mutungamiri wesangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, VaTakavafira Zhou, vakurudzira masangano evashandi muBotswana pamwe neSADC kuti akomekedze nyika dzawo kuitira kuti dzigadzirise mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, uye kuti dzitore matanho akasimba pane zviri kuitika muZimbabwe.

Vachitaura pamusangano wepagore wesangano re Botswana Sectors of Educators Trade Unions, Bosetu, muBotswana, VaZhou vakurudzira kuti sangano iri nemamwe ari mudunhu reSADC akurudzire hurumende dzenyika dzawo kuti dzipindire mukugadzirisa gakava riri muZimbabwe.

VaZhou vaenderera mberi vachiti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kushungurudza vashandi munyika nekuvasunga senzira yekuvatyityidzira kuti vasaramwe mabasa kana kuratidzira.

Pakati pemwedzi uno, sangano rePTUZ kuburikidza nemunyori mukuru varo, VaRaymond Majongwe, rakati zvichanetsa kuti zvikoro zvivhurwe mukotoro yechitatu sezvo varairidzi vari kutadza kurarama nekuda kwemari shoma dzavari kutambiriswa muZimbabwe.

VaZhou vati mashoko aVaMajongwe aya, ayo vakataura masvondo maviri apfuura, akaita kuti vasungwe nemapurisa senzira yekutyityidzira vashandi.

Vachitaurawo neStudio7 pamucheto wemusangano uyu, imwe nhengo ye PTUZ, Amai Lindiwe Hlabangane, vati vanoshuwira kuti hukama huri pakati pehurumende yeBotswana nevashandi vayo huitikewo kuZimbabwe.

Munyori mukuru weBosetu, VaTobokani Rari, vaudza Studio7 kuti sangano ravo richaita zvose mukubatsirana nevashandi muZimbabwe, kunyanya vadzidzisi.

VaZhou, avo vanova nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vaudza vamwe vavo vemuBotswana kuti hurumende yemuZimbabwe iri kumwaya mapurisa mumaguta ose senzira yekutyityidzira vanhu kuti vasaratidzire.

VaZhou vanga vakokwa semunyarikani pahurongwa hwe Bosetu muPalapye.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG