Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yokurudzira Kuvharwa kweZvikoro Zvisina Chikafu Chakakwana


Doctor Takavafira Zhou
Doctor Takavafira Zhou

Zvimwe zvikoro zvakawanda zvine vana vanodzidza vachigara muzvikoro izvi, kana kuti ‘boarding schools’, zvinonzi hazvichina chikafu chakakwana chekuti vana vechikoro vadye.

Rimwe remasangano anomiririra varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kukurudzira hurumende kuti imbovhara zvikoro zvakatarisana nedambudziko rekushaya chikafu, yosiya chete vana vari kunyora bvunzo kuti vapedze bvunzo dzavo.

Mutungamiri we PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti sangano ravo riri kukuridzira kuti nyaya iyi igadziriswe nechimbi chimbi.

“Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro, zvikuru sei muma ‘boarding schools’ nekuti hatichakwanisi kutenga chikafu nekuti zvinhu zvave kudhura, mari ichishaiwavo simba,” VaZhou vaudza Studio7.

“Vana vechikoro vari kuswera nekurara nenzara. Zvinhu zviri kushungurudza vana vakawanda vanonyora bvunzo,” vadaro VaZhou,avo vanodzidzisa paGreat Zimbabwe University.

VaZhou vati vakuru vezvikoro vakanyorera hurumende tsamba vachitsanangura izvi asi havasati vawana mhindurokubva kuhurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika munyaya dzechikafu izvo zvakapa kuti hurumende ibvise mutemo wairambidza kutengwa kwezvimwe zvinhu zvekunze kwenyika

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG