Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Nhasi Muvhuro Vachabatana Nevamwe Vashandi Vachifora Nekuratidzira


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Nhasi Muvhuro, vashandi vanotarisirwa kupinda muhurongwa hwe sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), iro riri kukurudzira vashandi vese munyika kuti varatidzire pamabasa avo nemusi weMuvhuro wegawega.

ZCTU inoti zvakakosha kuti munhu wese, pese paari zvake, ambotora nguva yekuratidzira ari paanoshandira, iri nzira yekuudza hurumende kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Mutungamiri werimwe re masangano anomirira varairidzi, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti varairidzi vakagadzirira kuita zvakasheedzerwa neZCTU, uye vachabatana nevamwe vashandi vachiratidzira mumaguta akasiyanasiyana, vachiendesa magwaro enyunyuto ku mahofisi evavanoshandira. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuburikidza negurukota rezvevashandi, VaPaul Mavhima, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

VaMasaraure vaudza Studio 7 zvakarongwa nevarairidzi pazuva ranhasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG