Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vabereki Vanonzi Vari Kurova Varairidzi Muzvikoro


Vamwe vabereki vanonzi vari kurova varairidzi pazvikoro
Vamwe vabereki vanonzi vari kurova varairidzi pazvikoro

Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti ari kutambira mashoko ekuti vamwe vabereki mune dzimwe nzvimbo vari kurova nekushungurudza varairidzi muzvikoro zviri munharaunda dzavo.

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vari kutambiravo mashoko ekuti rimwe bato re zvematongerwo enyika riri kuedza kurwisanisa vabereki nevarairidzi.

Mukuru weMapadze Primary School ku Zaka, pamwe nemutevedzeri wake, vanonzi vakarohwa pakupera kwesvondo nevabereki vevana vavanodzidzisa.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru we Zimbabwe Teachers Association, VaGoodwell Taderera, vashora vabereki vari kushungurudza varairidzi vachiti vabereki ngavanzwisise kuti varairidzi vanofanirwa kugara zvakanaka kuti vape dzidzo yakanaka kuvana vavo.

Taedza kubata mutauriri wezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, asi nharembozha yavo yange isingadavirwi.

Tichienda pamhepo, vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG