Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeARTUZ Dzoronga Kuungana paMahofisi aVaMthuli Ncube


Nhengo dzeARTUZ dzichiratidzira dzichifamba netsoka kubva kwaMutare kuenda kuHarare.
Nhengo dzeARTUZ dzichiratidzira dzichifamba netsoka kubva kwaMutare kuenda kuHarare.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzichange dzichiungana pamahofisi egurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube zuva rekutambira mihoro roga-roga dzakapfeka nhumbi nhena, senzira yekuchema kwarinoti kufa kwemihoro yevashandi vehurumende.

Mutungamiri weARTZU, VaObert Masaraure, vanoti vatosvitsa magwaro kuhurumende vachiizivisa nezvematanho avo aya.

Ukuwo, rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nekuda kwekukwira kwaita mari dzekubhadhara mukufamba, nhengo dzaro hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa mazuva asara ekuti zvikoro zvivharwe nemusi weChina svondo rino.

Sangano iri rinotiwo kana hurumende isina kugadzirisa zvichemo zvevarairidzi, harione zvikoro zvichivhurwa panozotanga kotoro yetatu muna Gunyana.

Hurumende yakavimbisa kuti ichatarisisa mihoro yevashandi vayo mwedzi uno, asi vashandi vari kuti yakatononoka sezvo mitengo yezvinhu yakwira zvakanyanya mihoro yavo isina kwairi kuenda.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG