Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano eVarairidzi Onyunyuta Kuti Nhengo Dzawo Dzakabatirwa Mihoro yeMazuva Adzisisa Kushanda


Varairidzi vasiri kuenda kumabasa mazuva ose vanonzi vakabatirwa mari dzemazuva avasina kushanda.

Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti pane nhengo dzawo dzisina kuwana mihoro yadzo mwedzi uye ati achaendesa hurumende kumatare edzimhosva pamusoro penyaya iyi.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vati kunyange hazvo nhengo dzesangano ravo dzange dziri kuenda kubasa mazuva maviri pasvondo, pane vamwe vakatonyimwa mari dzavo dzese mwedzi uno.

Vati semaonero avo varairidzi vanofanira kutambira mari ionderana nemazuva avakashanda.

VaZhou vati kubvira patambira varairidzi svondo rapfuura vachiri kutsvaga humbowo hwekuti inhengo dzesangano ravo ngani dzisina kutambira sezvo vari kuronga kuendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vati pari zvino vane humbowo hunoratidza kuti pane nhengo dzesangano ravo dzinodarika makumi matatu padunhu rega rega munyika dzakabatirwa mari dzavo dzemihoro zviri kunze kwemitemo.

Vati hurumende haina mvumo yekubata mari yemushandi asati apihwa mukana wekuti anzikwe divi rake vachiti hurumende ndiyo yakonzera kuti mushandi atadze kuenda kubasa.

Vati vanotsigira danho rePTUZ rekupikisa danho rehurumende iri kumatare.

Asi mumiriri weRural Teachers Union of Zimbabwe, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 kuti hapana nhengo yesangano ravo yati yabatwa nemutemo wehurumende uyu.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Prof Paul Mavhima, vaudza Studio 7 kuti hurumende yakatotanga chirongwa chekuti vashandi vasingaende kubasa vasabhadharwa kana kuti No Work No Pay Policy vachiti hurumende iri kutaurirana nevashandi vayo kugadzirisa zvese zviri kunetsa.

Vati semaziviro avo zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvevarairidzi vese munyika zviri kuenda kubasa.

VaMavhima vati havana ruzivo rwekuti varairidzi vangani vakabatirwa mari dzavo dzemihoro vakati titaure nevashandirwi vevashandi vehurumende kana kuti Public Service Commission avo tatadza kubata pataenda pamhepo.

Gurukota rezvekuritswa kwemashoko, Seneta Monica Mutsvangwa, vakazivisa mwedzi wapera kuti dare remakurukota rakaita chisungo chekuti varairidzi vasingaende kubasa vachanyimwa mihoro yavo.

Asi varairidzi vari kuchema kuti mari dzemhihoro dzavo hadzikwani kuti vaende kubasa mazuva ose uye vanokwanisa kuenda kubasa mazuva maviri pasvondo.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG