Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoda Kuti VaMnangagwa Pachavo Vapinde Muhurukuro Dze Zvichemo Zvavo


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Masangano anomirira varairidzi akabatana mukunyora gwaro ravakaendesa ku mahofisi emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro.

Gwaro iri rinotsanangura zvinhu zviri kutadzisa varairidzi kuita basa ravo, richiti varairidzi vanokumbira kuti mutungamiri wenyika apindire munyaya iyi sezvo makurukota avo nevamwe vakuru vemuhurumende vakatadza kubudisa kana chimwe zvacho muhurukuro dzese dzavakaita nevamiriri vevarairidzi.

Mutungamiri werimwe remasangano aya, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masararure, vaudza Studio 7 kuti masangano evarairidzi ose masere atora danho iri sezvo vachida kuti mutungamiri wenyika anzwe zviri kuvanetsa vagokwanisavo kuudza makurukota avo zvekuita sezvo zvichemo zvevarairidzi zviri zvechokwadi, vachiti varairidzi havasi pakuramwa mabasa asi vari kutadza kuenda kumabasa nekuti havana mari yekuita zvinhu zvavanofanirwa kuve vachiita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG