Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voshushikana neMaitiro eZimsec Ane Chekuita neBvunzo dzeGrade7


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Masangano anomiririra vadzidzisi ari kushora zvikuru hwaro hwakaiswa neZimbabwe School Examination Council, Zimsec, hwekuti mapepa anonyorwa nevana ave achinotorwa zuva nezuva uye kuti mapepa avanenge vanyora adzoserwe kumatunhu emuzvikoro izvi.

Zimsec inoti yakatora matanho aya mushure mekuona kuti kubuda kwemapepa aya zvisiri pamutemo kwanga kwanyanya.

As mutungamiri weAlmagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti zvakaitwa neZimsec izvi zvakaomera vakuru vezvikoro kunyanya zvikoro zvekumaruwa.

VaMasaraure vati vakuru vezvikoro ava vari kufamba mitunhu mirefu mukuedza kuti vazadzise zvinodiwa neZimsec sezvo kumaruwa zvekusambisa zvichinetsa.

VaMasaraure vati sangano reZimsec rinofanirwa kudzosera zvaiitwa kare kuti mapepa anochengeterwa pachikoro chiri kunyorwa bvunzo.

Mumagwaro anyorwawo nemunyori musangano reZimbabwe Teacher’s Association, VaTapson Nganunu Sibanda, vashorawo zviri kuitwa neZimsec vakakurudzira kuti mapepa agare muzvikoro vachiti vakuru vezvikoro vari kufamba mitunhu mirefu.

Mutauriri weZimsec, Muzvare NickyDlamini, vaudza Studio7 parunhare kuti vakaita izvi mukuchengetedza kuti mapepa anonyorwa asabude zvisiri pamutemo.

Muzvare Dlamini vatsanangurawo vachiti vaive vaudza vakuru vezvikoro kuti vasingakwanisi kunotora nekusiya mapepa vazivise Zimsec kuti vapiwe vanochengetedza mapepa aya kunzvimbo dziri pedyo nezvikoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG