Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanombomisa Kuramwa Mabasa Mushure meMusangano neHurumende


Varairidzi vanga vari pakuramwa mabasa vanombosendeka danho iri vachiti vavimbiswa nehurumende kuti iri kugadzirisa zvinhu.
Varairidzi vanga vari pakuramwa mabasa vanombosendeka danho iri vachiti vavimbiswa nehurumende kuti iri kugadzirisa zvinhu.

Varairidzi vanga vachiramwa mabasa vachida kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo zvemihoro nemari nekubatsirikana, vanoti vambomisa kuramwa mabasa uku mushure mekuvimbiswa nehurumende kuti iri kugadzirisa zvichemo zvavo nekukasika.

Izvi zvinotevera musangano wechimbichimbi waitwa nevamiriri vevaraidzi vemasangano ose evarairidzi negurukota rezvedzidzo yepasi Muzvinafundo Paul Mavhima masikati.

Nhengo yerimwe remasangano apinda mumusangano uyu, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaAbiot Moyo, avo vanomirira varairidzi vakaremara, vanoti masangano ose awirirana kuti vambopa hurumende mukana wekugadzirisa zvinhu, ivo vachimbomisawo kuramwa mabasa uku.

VaMoyo vanoti vari kutarisira kusangana zvakare nevamiriri vehurumende pakati pesvondo rino.

Vanotiwo hurumende yavavimbisa kuti vose vakanga vari pakuramwa mabasa havasi kuzotorerwa matanho sezvakanga zvamboziviswa neboka reCivil Service Commission, iyo yakanga yazivisa kuti vose vakaramwa mabasa vaizobatirwa mari dzemazuva avasina kushanda.

Studio 7 haina kukwanisa kubata Muzvinafundo Mavhima kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaAbiot Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG