Sangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, rinoti nhengo dzaro zhinji hadzina kuenda kubasa nechikonzero chekuti hadzisi kukwanirwa nemari dzemihoro.
Nekune rumwe rutivi, sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, riri kukurudzira hurumende kuti ikasike kugadzirisa nhuna dzevashandi vayo.
Sangano reARTUZ raburitsa mashoko ekuti nhengo dzaro dzinodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana dzakundikana kuenda kumabasa nhasi sezvo mari yemihoro isiri kudzikwanira.
Sangano iri rati nezuro huwandu hwenhengo dzaro dzisina kuenda kubasa dzaidarika zvikamu makumi masere nezviviri nechidimbu kubva muzana.
Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri wesangano iri, VaNation Mudzitirwa, avo vati havasi kufara nemari yakapihwa vashandi vehurumende kuti vabatsirikane nebazi rezvemari.
VaMudzitirwa vati vanoda kuti mari dzemihoro dzibhadharwe ari maRTGS akaringana nemari inenge iri pamusika wemabhanga, kana kuti interbank rate, kuitira kuti zvavanoda zvese zvikwane pamari yavo yemihoro.
Zvichakadai, mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, VaTakavafira Zhou, vati mari yaburitswa nehurumende kuti vashandi vayo vabatsirikane haina chairi kukwana.
Hurumende yakaburitsa mari inoita madhora mamiriyoni mazana matatu ema RTGS kuitira kuti vashandi vayo vabatsirikane zvichaita kuti mushandi wayo wepasi pasi awane mari inoita madhora mazana manomwe.
VaZhou vati hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzemihoro nekukasika kuitira kuti vashandi vayo varerukirwe nehupenyu.
Munyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende ine chido chekubhadhara vashandi vayo mari dzemihorodzinovakwanira asi homwe yayo yakabooka.
VaGuvamatanga vati hurumende iri kushingirira kuti hupfumi hwenyika husimukire kuti igokwanisa kubhadhara vashandi mari inovakwanira.
VaGuvamatanga vaudzawo bepanhau reHerald kuti mari yekuti vashandi vayo vabatsirikane yasvika kuvashandi sezvo vachiti mari iyi yakaiswa kumabhanga evashandi nemusi weChipiri.
Ongororo yaitwa neStudio7 yaburitsa pachena kuti vamwe vashandi vemamwe mapazi ehurumende vanga vari kumabasa.
Tsvagiridzo iyi yaburitsa pachena kuti vashandi vehurumende vari mudhorobha vari kukwanisa kuenda kubasa sezvo vachikwira mabhazi ehurumende anoita dhora rimwe chete pamunhu.
Asi sangano re Apex Council rakazivisa svondo rapera kuti nhengo dzaro hadzichakwanisi zvachose kuenda kubasa sezvo dziri kuomerwa nehupenyu.
Facebook Forum