Accessibility links

Breaking News

Chikoro cheBondolfi Chinovharwa Zvichitevera Kuputika kweCovid-19


Victoria Falls Covid-19 vaccination
Victoria Falls Covid-19 vaccination

Chikoro chepamusoro cheBondolfi Teachers College muMasvingo,
chambovharwa kwenguva pfupi inotevera senzira yekumisa kupararira
kwedenda reCovid-19 iro rakaputika pachikoro ichi rikabata vadzidzi nevadzidzisi vanosvika makumi mapfumbamwe nevatanhatu.

Hurumende yazivisa kuti vadzidzi vose vanosvika mazana matatu pamwe
nevadzidzisi vavo vambovharirwa muchikoro ichi uye zvidzidzo
zvambomiswa, uye hapana munhu anobuda kana kupinda kuitira kuti
chirwere ichi chisapararire.

Mukuru mubazi rezveutano muMasvingo, Dr Amedus Shamu, vaudza vatori venhau kuti hurumende yaisa chirongwa chekuti vakabatwa
nechirwere vambogariswa kwavo voga uye vasati vavhenekwa vagare kwavo pachikoro apa vasingabudi kwemazuva gumi nemana kuitira kuti
chirwere ichi chisapararia.

Mudzidzi anofungidzirwa kuti ndiye akauya nechirwere ichi, uye asina nhoroondo yekushanya, aiswa muchipatara cheRujeko mudhorobha reMasvingo umo ari kurapwa uye anonzi mamiriro ake akanaka.

Dr Shamu vati kuongororwa kwevakasara ava kwanonoka kutanga nhasi
nekudaro kuchapera manheru vozobudisa kuti huwandu hwevabatwa
hwave papi.

Hurumende yati ongororo yekuti mhando yedenda iri yakabvepi haisati
yaitwa.

Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vati vanhu vasatye
kuti dunhu richaiswa pachirongwa cheLockdwn vachiti chirwere ichi
chichabatwa zvakanaka kusvika chapera pachikoro ichi sezvo dunhu
rakagadzirira zvakakwana.

Vati hurumende ichapinda mumaruwa ari pedyo nechikoro ichi akaita
seSipambi neChirasha ichiongororawo vagari vanogona kunge
vakasangana nevadzidzi vakabatwa nechirwere.

Vati nharaunda dziri pedyo nechikoro ichi dzichafiritwa uye vanhu vachibayiwanhomba munzvimbo idzi.

Asi mumwe mugari, Muzvare Geogia Nguruve, vati vava kutyira
kuti chirwere ichi chichaparira dunhu rose sezvo vamwe vadzidzi
nevadzidzsi vachigara mudhorobha reMasvingo.

Dr Shamu vakururdzira vanhu kuti vasabatire hana mumaoko sezvo hurumende yawedzera vanamukoti nana chiremba pachipatra cheBondolfi ichi chiri pasi pekereke yeRoman Catholic.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere chedenda iri munyika uye vanhu zana negumi nevatatu kusanganisira vepaBondolfi vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi
matatu nezvisere nemazana masere ane gumi nevapfumbamwe, 38 819.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava chiuru nemazana mashanu nemakumi masere nevapfumbamwe, 1 589.

Vanhu zviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nevanomwe, 3 987 vakabaiwa nhomba yekutanga munyika nezuro izvo zvakasvitsahuwandu hwevanhu vabayiwa nhomb yekutanga pazviuru mazana matanhatu nemakumi mana nezvitatu nemazana mashanu nemakumi matatu nemumwe chete, 643 531.

Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, 10 million, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, 60%, zvevanhu vari munyika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG