Accessibility links

Breaking News

Masangano anomirira varairidzi munyika aramba kusangana negurukota rinoona nezvekufambiswa kwemabasa muhofisi yemutungamiriri wenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vachiti havana kukokwa nenzira kwayo.

Varairidzi vaudza Studio 7 kuti havana kufara nenyaya yekuti VaMumbengegwei vange vachida kutaura navo pamwe nevamwe vashandi vese vehurumende.

Vachitaura vari pasi pesangano reFederation of Zimbabwe Educators Union of Zimbabwe unove mubatanidzwa wemasangano anomirira varairidzi munyika, mutungamiriri weAssociation of Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti varamba kusangana negurukota iri paIne vamwe vashandi muhurumende vakaita sevasori.

Vati VaMumbegewgi vakavakoka vachisandisa mubatanidzwa wevashandi vese vehurumende weAPEX Council asi ivo vaida kukokwa vakazvimirira sevarairidzi chete.

Vati semuenzaniso zvido zvemapurisa nevasori zvakasiyana nezvido zvevarairidzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMumbengegwi.

Mumwe mugari wemuHarare, VaFarai Mabeza, vaudza Studio 7 kuti hurumende ine dambudziko rekuda kupatsanura zvichemo zvevashandi vayo.

Vanoti mushandi wese wehurumende anofanira kubatwa zvakafanana uye hazvina kunaka kuti hurumende ibate vanachiremba zvinosiyaNA nevamwe vashandi vayo.

VaPockets Shumba vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kubata varairidzI zvakanaka nekuti vanoita basa rakakosha chose.

Masangano ose anomirira varairidzi munyika anoti, ARTU, PTUZ, ZIMTA nemamwe aramba kupinda mumusangano wanhasi uye ati nhengoi dzawo dzicharamwa mabasa kutanga kwekotoro inotevera.

Zvimwe zvichemo zvavo ndezvekuti mari dzavo dzemihoro dziwedzerwe zvakapetwa kaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG