Accessibility links

Breaking News

ZIMTA Yokurudzira Nhengo Dzayo Kushanda Mazuva Matatu paSvondo


Vana vechikoro
Vana vechikoro

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association (ZIMTA) razivisa kuti kubva musi weChipiri, 6 Kubvumbi, nhengo dzaro dzichange dzave kushanda mazuva matatu pasvondo anoti Muvhuro, Chipiri neChitatu chete.

Zimta, iyo yakapinda mumusangano wanezuro iri pasi peZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, inoti yatora danho iri zvinotevera kutadza kuwirirana pakati pehurumende nevashandi vayo kwakaitika mumusangano weNational Joint Negotiating Council.

Mutauriri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vakaudzawo Studio7 kuti musangano wavakaita nehurumende hauna chawakabuda nacho.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru we ZIMTA, VaGoodwell Taderera, vanoti vazivisa nhengo dzavo kuti vakaramba kutambira zvakaiswa patafura nehurumende.

Hurumende inonzi yakati yaikwanisa kuwedzera mihoro yevashandi vayo nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, inova mari shoma pane iri kudiwa nevashandi vehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, kuti tinzwe divi ravo.

Asi vachitaura neStudio7 marimwezuro, VaMavima vakati hurumende yakazvipira kugara pasi ichikurukura nevashandi vose vehurumende kuitira kuti zvinenge zvichinetsa zvigadziriswe..

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG