Accessibility links

Breaking News

ZIMTA Inoti Nhengo Dzayo Hadzichakwanisa Kuramba Dzichienda Kumabasa


Varairidzi muZimbabwe vari kunetsana nehurumende pamusoro pemari dzemihoro.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, re Zimbabwe Teachers Association (ZIMTA), rabatanawo nemamwe masangano evarairidzi pakuzivisa kuti nhengo dzaro hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa sezvo dzisisina mari dzekufambisa. Mutungamiri wesangano iri, VaRichard Gundani, vanoti nhengo dzavo dzichange dzichienda kumabasa kaviri chete pasvondo, Muvhuro neChishanu.

VaGundani vanoti danho ratorwa nesangano ravo rinotsinhira danho rakaziviswa nesangano rinomirira vashandi vehurumende, re APEX Council, rekuti vashandi vehurumende vakanga vasisakwanise kuramba vachienda kumabasa mazuva ose.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi vakaudza Studio 7 neSvondo kuti hurumende yakasununguka kuramba ichiita hurukuro nevashandi vayo pamusoro pemihoro yavo.

Masangano anomiririra varairidzi, e Propgressive Teachers Union of Zimbabwe neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ndemamwe masangano evarairidzi akatozivisa kare kuti nhengo dzawo dzakanga dzisisakwanise kuramba dzichienda kumabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti nhengo dzaro dzave kutangidza kuratidzira vhiki yega yega kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvevarairidzi.

Mutungamiriri wesangano iri, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo richatangidza kudzidzisa nekubatsira vana vechikoro pa nzvimbo dzavachazivisa asi kwete muzvikoro. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi re zvedzidzo kuti izvi zvichibvumidzwa here nemitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG