Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vokurudzira Kuti Paitwe Musangano weChimbichimbi neHurumende


Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure
Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure

Rimwe sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti ranyorera hurumende tsamba yekuti paitwe musangano pakati pehurumende nevarairidzi nekukurumidza.

Vanoona nezvezvirongwa nekubudiswa kwemashoko muPTUZ, VaLadistous Zunde, vaudza Studio 7 kuti kana hurumende ikanonoka kuronga musangano nevadzidzisi, vadzidzisi vanosungirwa kuramwa mabasa svondo rinouya nekuti havana mari yekuendesa kumabasa.

Varairidzi vari pasi pePTUZ neZIMTA svondo rapera vakambomisa kuramwa mabasa kwavanga vaita kwesvondo rimwechete, vachiti vari kuda kumbopa nhaurirano dzavakanga vatanga negurukota rezvedzidzo, Muzvinafundo Paul Mavima, mukana.

Asi munyori wePTUZ, VaRaymond majongwe vakaudza Studio 7 svondo rapera kuti vave kuona sekunge hurumende isina kuita nhaurirano navo nemwoyo wese sezvo pasina chafamba pane zvose zvavakanga vavimbiswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, riri kukurudzira vanhu nemasangano akasiya siyana kuti vaise ruoko rwavo kana kuti masiginicha, pabepa richaendeswa kuhurumende richiikurudzira kuti igadzirise zvichemo zvevadzidzisi, zvinosanganisa mari dzemuhoro nemashandiro avo nekukasika.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, avo vakamirira kutongwa vachipomerwa mhosva yekukonzera kusagadzikana munyika nekuda kubvisa hurumende pachigaro, vanoti chinangwa chavo ndechekuwana masiginicha anosvika makumi mashanu ezviuru vasati vaendesa gwaro iri kuhurumende.

VaMasaraure vati vari kufara nehuwandu hwevanhu nemasangano asaina gwaro iri kusvika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG