Mutungamiri weTanzania, VaJohn Pombe Magufuli, vapinda munyika masikati murwendo rwavo rwemazuva maviri, rwuchive zvakare rwendo rwavo rwekutanga muZimbabwe.
VaMagufuli vatambirwa kunhandare yendege, yeRobert Gabriel Mugabe International Airport, nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutevedzeri wavo, VaKembo Mohadi, nevamwe vakuru muhurumende.
Mutungamiri weTanzania uyu ari kutarisirwa kuitirwa mabiko manheru kumuzinda weState House.
VaMagufuli, avo vari kubva kurwendo rwemazuva maviri zvakare kuNamibia, vanoonekwa nevamwe semucherechedzo wevatungamiri vatsva vave kudiwa muAfrica sezvo vachinzi vari kurwisa huwori zvakasimba munyika mavo.
Asi vamwewo vanoti hurumende yavo, kubva vakapinda pachigaro muna 2015, iri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya, kuburikidza nekusunga vatori venhau pamwe nevemasangano akazvimirira.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Doctor Munyaradzi Ricky Mukonza, vanoti havaoni paine chikuru chinobuda kubva mukushanya kwaVaMagufuli uku, kunze kwekungosimbaradza hukama kwenyika mbiri idzi, uhwo hune nhoroondo inobvira munguva yehondo yerusununguko.
VaMukonza vanotiwo kunyange hazvo VaMagufuli vachinzi vari kuedza kuumba hupfumi hwenyika yavo, mabatiro avo enyaya dzekodzero dzevanhu haana kunyanya kusiyana nezviri kungoitwa nehurumende yaVaMnangagwa, iyo iri kusungawo zvakanyanya vanorwira kodzero dzevanhu nevemasangano akazvimirira.
Facebook Forum