Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vozeya Sarudzo dze "Primary Elections" Mumapato


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Mapato ezvematongerwo enyika ari kuita sarudzo dzekutsvaga nhengo dzichaamirira musarudzo dzegore rino, kana kuti primary elections, anoti vanhu vanovhota musarudzo idzi vanofanira kunge vakanyoresa kuvhota nesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Sarudzo dze parimary isarudzo dzinoitwa nebato kana pachinge paita vanhu vakawanda mubato iri vanenge vachida kurimirira muwadhi kana constituency imwe chete musarudzo dzenyika yese idzo dzinoitwa neZEC.

Nhengo dzebato rinenge richiita sarudzo idzi ndidzo dzinovhota musarudzo idzi.

Bato riri kutonga reZanu PF rakaita sarudzo dzaro nhengo dzaro dzichiburitsa humbowo hunoratidza kuti dzakanyoresa kuvhota neZEC.

Mamwe masangano akamirira kuita sarudzo dzawo atataura nawo ati nhengo dzawo dzinoda kuvhota musarudzo idzi dzinofanira kunge dzakanyoresa neZEC.

Mutauriri webato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vaudza Studio 7 kuti unogona kunge uri nhengo yebato asi usina hany’a nesarudzo dzenyika.

Mutauriri wesangano reTransform Zimbabwe, VaJustin Makota, vaudza Studio7 kuti kunze kwekuve nhengo yebato, kunyoresa neZEC kunoratidza kuti munhu ane chido chekuda kuvhota musardzo dzinyika.

Mutauriri weMulti Racial Christian Democrats, VaSebastian Mubvumbi, vati pavakasarudza vanhu vachamirira bato ravo musarudzo vainge vasina basa nekuti munhu akanyoresa kuZEC here kana kuti kwete.

VaMubvumbi vati kunyoresa kuchiri kuenderera mberi uye vakaona sekuti vanhu vachanyoresa zvavo sezvo vachikwanisa kunge vakakanganiswa nezvinhu zvakawanda.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwed, vanoti zvakakosha kuti mapato aone kuti nhengo dzavo dzakanyoresa kuZEC nekuti ndizvo zvinoratidza kuti vanhu vane chido chekuvhota musarudzo dzenyika.

Kunyange hazvo sarudzo dzema primary dzakamutsa mutauro muZanu PF, imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Bekezela Gumbo, vanoti iyi ndiyo chete nzira yekutsvaga vangamirira bato pachena.

Asi vanoti sarudzo idzi dzinofanira kuitwa zvisina chikiribidi kuti pasaita mhirizhonga padzinenge dzichiitwa.

Mapato akawanda munyika achaita sarudzo dzekutsvaga nhengo dzawo dzakawanda dziri kuda zvigaro zveparamende nemakanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG