Accessibility links

Breaking News

Chibvumirano cheLancaster House Chopenengurwa


Lancaster House Talks
Lancaster House Talks

Chibvumirano ichi ndicho chakamisa hondo yerusunguko chikavhura nzira yekuti Zimbabwe ive nyika inozvitonga pasina rusarura.

Zvita 15, makore makumi matatu nemanomwe apfuura, ndiro zuva rakapera nhaurirano dzakaunza chibvumirano cheLancaster House Agreement icho chakazonyoreranwa pasi musi 21 Zvita 1979.

Chibvumirano ichi ndicho chakamisa hondo yerusunguko chikavhura nzira yekuti Zimbabwe ive nyika inozvitonga pasina rusarura.

Chibvumirano cheLancaster House chakauya mushure mezvimwe zvibvumirano nemimwe misangano yaive yamboedza kuitwa nenyika dzakasiyana-siyana yakadai seGeneva Conference ne Lusaka Conference senzira yekuedza kuunza runyararo muZimbabwe iyo yaiziikanwa panguva iyi ichinzi Rhodesia.

Vamwe vanoti matambudziko akawanda ari munyika pari zvino anobva muchibvumirano cheLancaster House Agreement ichi.

Asi vamwe vanoti matambudziko aya aripo nekuda kwekutadza kutungamira nyika kuri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nehurumende yavo yeZanu PF.

Mumwe weavo vane maonero aya ndiVaDumiso Dabengwa avo vanove mutungamiri webato reZapu yakamutsurudzwa mugore ra2008. VaDabengwa, avo vaive mutungamiri wevarwi veZipra ndemumwe wevatungamiri vebato reZapu yaitungamirwa nemushakabvu, VaJoshua Nkomo, vaivekowo kuLancaster House.

VaDabengwa vanoti chibvumirano ichi chakapa hwaro hwakanaka hwenyika yeZimbabwe uye matambudziko akazotevera imhosva yekutadza kufunga zviri mberi kwaVaMugabe nebato ravo reZanu PF.

Mumwe wevanhu vachiri kutondera zvakaitika nguva iyi, ndiRetired Colonel Patron Khutshwekhaya Nketha, mukuru wezvesarudzo mubato reZapu uye vaive nhengo yeZipra.

VaNketha vanoti ivo nemamwe mauto eZipra akawanda vakarwadziwa zvikuru nenyaya yekuti vatungamiri vavo vakabvuma kutambira chibvumirano cheLancaster House icho vanoti chakasiya vamwe vaine masimba akawanda uye chakasimudzirawo vamwe vanhu vaive vasina kukosha munhoroondo yehondo yerusununguko.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reCentre for Community Engagement riri muBulawayo, VaButler Tambo, vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika anoshanda akazvimirira ega, vanoti sezvimwe zvibvumirano zvinoitwa mushure mehondo, chibvumirano cheLancaster House hachaigona kufadza mativi ose kana vanhu vose vaive nechekuita nenyaya iyi.

Vanoti zvisinei nemafungiro ekuti vamwe vanhu vaisafanirwa kukosheswa munhaurirano dzakaitwa pamberi pechibvumirano cheLancaster House, vaitungamira nhaurirano idzi vakagona chose pakuedza kuunza munhu wese aive nechekuita nenhaurirano idzi.

Kunyange havo vachibvuma kuti chibvumirano cheLancaster House chaive nezvimwe zvinhu zvaive zvisina kunakira nyika, VaTambo vanoti zvinhu izvi zvaigona kugadziriswa nekuvandudza bumbiro remitemo nenzira yakanaka.

VaTambo vanoti chikonzero chikuru chakapinza nyika mumatambudziko airi inyaya yehuwori hwakaramba huchirerwa kubvira nyika ichangowana kuzvitonga kuzere uye nyaya yekusave nehutungamiri hwakanaka hunokoshesa zvido zvevanhu.

Imwe nhengo ye UANC, VaAlfios Mapuranga, vanoti chibvumirano ichi chakanga chakanaka, asi VaMugabe ndivo vakazovhiringa zvinhu nekuchinja zvaiva muchibvumirano ichi.

Nhengo yeZanu PF yakada kudaidzwa nerekuti Maphosa, inoti chibvumirani cheLancaster House chaifanirwa kuzogadziriswa mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga, izvo zvakaitwa nehurumende yeZanu PF.

Musangano weLancaster House wakatanga musi wa10 Gunyana 1979 Lord Carrington, avo vaive gurukota rezvekunze kwenyika muhurumende yeBritain yaitungamirwa naAmai Maragaret Thatcher, vari ivo sachigaro.

Musangano uyu waisanganisira vemapato airwira rusununguko ari kunze kwenyika, anoti Zapu yaitungamirwa namushakabvu Joshua Nkomo, Zanu yaitungamirwa naVaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vatema vaive mune zvematongerwo enyika vari munyika vanosanganisira Bishop Abel Muzorewa, ve UANC, VaNdabaningi Sithole pamwe chete nevaimbove mutungamiri weRhodesia, VaIan Douglas Smith.

Vachitaura vakamirira Patriotic Front, Va Nkomo vakati ivo naVaMugabe nemapato avo vaida kuziva kuti zvinhu zvichange zvakamira seyi munguva yegadziriro yesarudzo.

Vakatiwo yaiva shuviro yemapato avo kuti rusarura rupere zvachose muZimbabwe itsva, uye kuti munhu wese achengetedzwe nekodzero dzake.

VaNkomo vakabuda pachena kuti bumbiro richaumbwa rinofanirwa kuchengetedza kodzero dzemunhu wese munyika musati maitwa sarudzo.

Ukuwo VaMuzorewa vachimirira vamwe vavo, vakatiwo bumbiro idzva rinofanirwa kuona kuti harizoshandiswe nenzira isina kunaka inodzorera nyika shure.

Musangano uyu wakapera uchivharwa naLord Carrington musi wa 15 Zvita, vanhu ndokubva vambozorora vomirira chibvumirano chakazosainwa musi wa 21 Zvita 1979.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG