Accessibility links

Breaking News

Tajamuka/Sesijikile Inoti Kuratidzira Mumigwagwa Ndiyo Nzira Yega Yasara Kuzivisa Zvinonetsa muNyika


Sangano reTajamuka/Sesijikile rinoti kuratidzira ndiyo chete nzira yekunyunyuta nayo yasara.

Sangano revechidiki, reTajamuka/Sesijikile, rinoti chinangwa charo chikuru ndechekuona kuti kuratidzira mumigwagwa kunochengetedzwa sezvo iri iyo nzira yega yasara yekuti vanhu varatidze zvavanoda nezvavasingade.

NeMuvhuro, nhengo dzesangano iri dzakaratidzira pamatare edzimhosva eRotten Row Court muHarare, dzichitsigira mutungamiri weZimbabwe National Students Union (ZINASU), VaTakudzwa Ngadziore, avo vaimira mudare vachikumbira mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaNgadziore vakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vakabudiswa mujeri asi vakanzi havabvumidzwi kusvika padyo pekambani yeImpala Car Rental, apo vari kupomerwa mhosva yekuratidzira vari zvichitevera kushandiswa kwemotokari yekambani iyi mukupaambwa kwaVaTwanda Muchehiwa, avo vanonzi vakatochwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Dzimwe nhengo dzeTajamuka/Sesijikile dzinonzi dzakasungwawo panze pedare apa dzichipomerwa mhosva yekuratidzira.

Mutauriri weTajamuka/Sesijikile, VaGift Ostallos Siziba, vanoti sangano ravo rakamirira kuona kuti vamwe vavo vakasungwa neMuvhuro ava vachimiswa mberi kwematare neChipiri here, vachiti zvekare vanoda kuonavo kuti avo vakarohwa nemapurisa vakakuvara zvakadini.

Studio 7 yakaedza kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi asi vakati tivabate kwaedza sezvo hakaange hwave husiku uye vasisiri kumahofisi avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG