Mutumbi waVaTafadzwa Hilton Tamangani, avo vakashaya svondo rapera wachengetedzwa kumusha kwavo kuChitowa 2, kwaMurehwa.
Babamudiki waVaTafadzwa Tamangani, VaMordecai Tamangani, vanoti basa rose rabatwa murunyararo uye inguva yavanga vakatarisira kuti varadzike mudikani wavo uyo vanoti akavasiya nenzira inorwadza.
VaMordecai Tamangani vanoti veZimbabwe Prisons and Correctional Services vakakwanisa kuvabatsirawo netsaga reupfu pamwe nemafuta ekufambisa dzimotokari.
VaTafadzwa Tamangani, avo vairarama nekutengesera mumigwagwa yemuHarare, vakashaya vari kuHarare Remand Prison mushure mekusungwa nemapurisa pamwechete nevamwe gumi vachipomerwa mhosva yekurova mupurisa.
Vakambopomerwawo mhosva yekuve nechekuita nemaheremeti emapurisa ainzi akawanikwa mune chimwe chivakwa muHarare.
Magweta avo anoti vasungwa ava vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa uye vekujeri vakavanyima mvumo yekuti vaonekwe navanachiremba, izvo zvakazosvitsa pakuti vashaye vari muhusungwa vakamirira kutongwa.
VaTafadzwa Tamangani vasiya mwanakomana mumwe chete ane makore mapfumbamwe.
Facebook Forum