Accessibility links

Breaking News

Musangano weT-N-F Wakaitwa neMuvhuro muHarare Unotadza Kubuda neChisungo Zvakare


Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa. Sangano iri rinoti vashandi vasara vasina imwe nzira kunze kwekuratidzira sezviri mubumbiro remutemo.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa. Sangano iri rinoti vashandi vasara vasina imwe nzira kunze kwekuratidzira sezviri mubumbiro remutemo.

Musangano pakati pevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende weTripartite Negotiating Forum, T-N-F, wakaitwa neMuvhuro muHarare unonzi wakatadza kubuda nechimuko zvakare mushure mekunge mapoka matatu aya apesana panyaya yemihoro.

Misangano miviri yakaitwa nemapoka aya mwedzi wapera inonzi yakatadza zvakare kuwirirana panyaya yemari inofanirwa kutambirwa nemushandi wepasi kana kuti minimum wage.

Hurumende nevashandi vanonzi vari kuwirirana kuti panofanirwa kuve nemari inonzi ndiyo yemushandi wepasi-pasi, asi vashandirwi vanonzi vari kuramba izvi, izvo zvakaita kuti musangano weMuvhuro uyu usabude nechisungo zvakare.

Vaimirira hurumende munhaurirano idzi vanonzi vakatanga vapira musangano uyu zvakasungwa nedare remakurukota, zvinove zviri kuwirirana nezviri kudiwa nevashandi zvekuti pave ne minimum wage, izvo zvakarambwa nevashandirwi.

Studio 7 yakundikana kunzwa mativi evashandirwi pamwe nehurumende panyaya iyi.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vangosarirwa nekutora matanho avanofunga kuti ndiwo akakodzera sezvo nhaurirano dzatadza kuburitsa chimuko.

Asi VaMoyo vanoti vachatanga vambonzwa zvinobva kudare remakurukota vasati vatora matanho akakodzera kutorwa nevashandi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG