Accessibility links

Breaking News

Vatongi Vatsva veMatare ePamusoro Vapfumbamwe Vatoreswa Mhiko naVaMalaba


Center: Chief Justice Luke Malaba and his deputy Justice Elizabeth Gwaunza
Center: Chief Justice Luke Malaba and his deputy Justice Elizabeth Gwaunza

Mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika, Justice Luke Malaba, nhasi vatoresa mhiko vatongi vapfumbamwe vatsva vedare repamusoro avo vakadomwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera bvunzo dzakaitwa neJudicial Service Commission muna Chikunguru.

Vatoreswa mhiko yekutanga basa sevatongi vedare repamusoro ndaVaRogers Manyangadze, VaJoseph Chilembe, Amai Catherine Cate Bachi Muzawazi, VaBongani Ndhlovu, VaSamuel Deme, VaMunamato Mutevedzi, VaNever Katiyo, VaElijah Makomo naAmai Lucie-Anne Chipo Mungwari.

Munyori wekomisheni inoona nezvevatongi vematare edzimhosva yeJudicial Service Commission, VaWalter Chikwanha, vati kudomwa kwevatongi vatsva ava kucharerutsa basa mudare reHigh Court.

Pamajaji agadzwa nhasi mapfumbabwe, vaviri vavo chete madzimai.

Tabvunza VaChikwanha kuti sei madzimai ange ari mashoma vakati pane matanho ari kutorwa kuti pave nevatongi vechidzimai vakawanda.

Mumwe wevatongi vadomwa nhasi, Justice Samuel Deme, havaone uye VaChikwanha vati izvi zvinoenderana nedonzvo reJSC rekuti vanorarama nehurema havafaniri kushaiswa mukana.

Vati Justice Deme vakakunda mubvunzo dzakaitwa pajekerere.

Justice Deme vati kudomwa kwavo kuve mutongi wedare kuchasandura maonero anoita veruzhinji vanhu vakaremera.

Mutungamiri wesangano rinomirira magweta reLaw Society of Zimbabwe, VaWellington Magaya, vati kuwedzerwa kwevatongi kwakanaka chose.

Asi vati chakakosha kuti vatongi ava vashande vakazvimirira pasina kupindira kubva kuhurumende, masangano anoshanda akazvimirira, vemabhizimisi kana ani zvake.

VaMagaya vatiwo huwori haudiwi zvachose mumatare edzimhosva.

VaChikwanha vati kugadzwa kwevatongi vapfumbamwe nhasi kwasvitsa vatongi vedare reHigh Court pamakumi mana nevatatu uye gumi nevanomwe vari vakadzi.

KuSupreme Court kune vatongi gumi nevaviri uye vashanu vari vakadzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG